Ndinorara muhuruva, ndimutsurudzei neshoko renyu. Dareti Pandakareurura nzira dzangu makandipindura, ndidzidziseiwo zvirevo zvenyu. Itai kuti ndinzwisise mufambiro wemitemo yenyu; ini ndichanyatsofunga nezvamabasa enyu anoshamisa. Ndaparara nokusuruvara, ndisimbiseiwo sokutsidza kwamakaita. Ndichengetei ndirege kurasika, munyatsondidzidzisawo mutemo wenyu. Ndakasarudza nzira yokutendeka, ndakaisa zvirongwa zvenyu pamberi pangu. Ndinoti kwati kwati nezvamakatema, imi TENZI regai kuti ndinyadziswe. Ndichamhanya nomugwara remitemo yenyu kana mandipa kunzwisisa kwakawanda.
Verenga chikamu Nziyo 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 119:25-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo