Ipapo vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda zvaakavimbisa. Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha. Saka akapika akasimudza ruoko rwake kuti achavaparadza murenje, achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi, agovaparadzira munyika dzose. Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori, uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa. Vakatsamwisa Jehovha namabasa avo akaipa, uye denda rikavapo pakati pavo. Asi Finehasi akasimuka, akaita zvakarurama, denda rikaguma. Izvozvo zvakanzi kwaari kururama kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa nokusingaperi. Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha, uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo; nokuti vakamukira Mweya waMwari, Mozisi akataura nehasha nomuromo wake. Havana kuparadza marudzi sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha, asi vakavhengana nendudzi, vakatora tsika dzavo.
Verenga chikamu Mapisarema 106
Terera ku Mapisarema 106
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 106:24-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo