Mapisarema 106:24-35
Mapisarema 106:24-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Vakazvidza nyika yakanaka vasina chivimbo nezvaakatsidzira. Vakanyunyuta mumatendhe avo havana kuteerera izwi raTENZI. Nezvo akasimudza ruoko rwake akapika kuti vachatofira murenje imomo uye kuti achamwararisa zvizukuru zvavo mukati mevechirudzi achivaita rumwe rumwe mudzinyika. Vakazvibatanidza naBhaari wokuPeori vakadya zvibayiro zvakapirwa vakafa. Vakavirutsa Mwari nehasha nezviito zvavo; denda rakamuka pakati pavo. Fineasi ndiye akatozoipindira nyaya yacho, denda rikabva ramiswa. Izvozvo zvakaita kuti anzi mururami pachizvarwa nechizvarwa nokusingaperi. Vakamushatirisa paya pamvura yokuMeribha zvikaipira Mosesi nokuda kwavo nokuti vakamusvibisa mwoyo akataura zvisina maturo nomuromo wake. Havana kuparadza marudzi avanhu sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTENZI asi vakavhengana namarudzi vakadzidza kuita zvavanoita.
Mapisarema 106:24-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda zvaakavimbisa. Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha. Saka akapika akasimudza ruoko rwake kuti achavaparadza murenje, achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi, agovaparadzira munyika dzose. Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori, uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa. Vakatsamwisa Jehovha namabasa avo akaipa, uye denda rikavapo pakati pavo. Asi Finehasi akasimuka, akaita zvakarurama, denda rikaguma. Izvozvo zvakanzi kwaari kururama kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa nokusingaperi. Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha, uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo; nokuti vakamukira Mweya waMwari, Mozisi akataura nehasha nomuromo wake. Havana kuparadza marudzi sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha, asi vakavhengana nendudzi, vakatora tsika dzavo.

Mapisarema 106:24-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvirokwazvo, vakazvidza nyika inofadza, Havana kutenda shoko rake; Asi vakanyunyuta mumatende avo, Vakasateerera izwi raJehovha. Saka wakavasimudzira ruoko rwake. Kuti avaparadze murenje; Uye kuti aparadze vana vavo pakati pavahedheni. Avaparadzire panyika dzose. Vakazvibatanidzawo naBhaaripeori, Vakadya zvakabayirwa vakafa. Naizvozvo vakamutsamwisa nezvavakaita; Denda ndokupinda pakati pavo. Ipapo Pinehasi akasimuka, akaita zvakarurama; Denda ndokuguma. Izvozvo zvikanzi kwaari kururama, Kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi. Vakamutsamwisawo pamvura zhinji yeMeribha, Naizvozvo Mosesi akaoneswa nhamo nokuda kwavo; Nokuti vakamukira mweya wake, Iye akataura nehasha nemiromo yake. Havana kuparadza ndudzi dzavanhu, Sezvavakanga varairwa naJehovha; Asi vakavengana navahedheni, Vakadzidza mabasa avo
Mapisarema 106:24-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakazvidza nyika yakanaka vasina chivimbo nezvaakatsidzira. Vakanyunyuta mumatendhe avo havana kuteerera izwi raTENZI. Nezvo akasimudza ruoko rwake akapika kuti vachatofira murenje imomo uye kuti achamwararisa zvizukuru zvavo mukati mevechirudzi achivaita rumwe rumwe mudzinyika. Vakazvibatanidza naBhaari wokuPeori vakadya zvibayiro zvakapirwa vakafa. Vakavirutsa Mwari nehasha nezviito zvavo; denda rakamuka pakati pavo. Fineasi ndiye akatozoipindira nyaya yacho, denda rikabva ramiswa. Izvozvo zvakaita kuti anzi mururami pachizvarwa nechizvarwa nokusingaperi. Vakamushatirisa paya pamvura yokuMeribha zvikaipira Mosesi nokuda kwavo nokuti vakamusvibisa mwoyo akataura zvisina maturo nomuromo wake. Havana kuparadza marudzi avanhu sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTENZI asi vakavhengana namarudzi vakadzidza kuita zvavanoita.
Mapisarema 106:24-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀirokwaɀo, ʋakaɀidza nyika inofadza, Haʋana‐kutenda shoko rake; Asi ʋakanyunyuta mumatente aʋo, Ʋakasaterera inzwi raJehova. Saka wakaʋasimudzira ruʋoko rwake. Kuti aʋaparadze murenje; Ʋuye kuti aparadze ʋana ʋaʋo pakati paʋahedeni. Aʋaparadzire panyika dzose. Ʋakaɀiɓatanidza ʋo naBaari‐peori, Ʋakadya ɀakaɓayirwa ʋakafa. Naiɀoɀo ʋakamutsamŋisa neɀaʋakaita; Ƌenda ndokupinda pakati paʋo. Ipapo Pinehasi akasimuka, akaita ɀakarurama; Ƌenda ndokuguma. Iɀoɀo ɀikanzi kwaari kururama, Kuȿikira kumarudzi namarudzi nokusiŋgaperi. Ʋakamutsamŋisa ʋo pamvura zhinji yeMeriba, Naiɀoɀo Mosesi akaʋoneswa nhamo nokuɗa kwaʋo; Nokuti ʋakamukira mŋeya wake, Iye akataura nehasha nemiromo yake. Haʋana‐kuparadza ndudzi dzaʋanhu, Seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova; Asi ʋakaveŋgana naʋahedeni, Ʋakadzidza maɓasa aʋo