Vakazvidza nyika yakanaka vasina chivimbo nezvaakatsidzira. Vakanyunyuta mumatendhe avo havana kuteerera izwi raTENZI. Nezvo akasimudza ruoko rwake akapika kuti vachatofira murenje imomo uye kuti achamwararisa zvizukuru zvavo mukati mevechirudzi achivaita rumwe rumwe mudzinyika. Vakazvibatanidza naBhaari wokuPeori vakadya zvibayiro zvakapirwa vakafa. Vakavirutsa Mwari nehasha nezviito zvavo; denda rakamuka pakati pavo. Fineasi ndiye akatozoipindira nyaya yacho, denda rikabva ramiswa. Izvozvo zvakaita kuti anzi mururami pachizvarwa nechizvarwa nokusingaperi. Vakamushatirisa paya pamvura yokuMeribha zvikaipira Mosesi nokuda kwavo nokuti vakamusvibisa mwoyo akataura zvisina maturo nomuromo wake. Havana kuparadza marudzi avanhu sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTENZI asi vakavhengana namarudzi vakadzidza kuita zvavanoita.
Verenga chikamu Nziyo 106
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 106:24-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo