Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 106:1-23

Mapisarema 106:1-23 BDSC

Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba, kana kureva kurumbidzwa kwake kwose? Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira, vanogara vachiita zvakarurama. Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu, pamunovaponesa, mundibatsirewo, kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu, kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu, uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza. Takatadza, sezvakaita madzibaba edu; takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa. Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti, havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu; havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji, asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku. Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, kuti simba rake guru rizivikanwe. Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa; uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga. Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi; akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi. Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; hakuna mumwe wavo akapona. Ipapo vakatenda vimbiso dzake vakaimba vachimurumbidza. Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita, uye vakasamirira kurayira kwake. Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje. Saka akavapa zvavakakumbira, asi akatuma chirwere chinopedza muviri pamusoro pavo. Vakaitira Mozisi godo mumusasa, naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha. Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani; ikaviga boka raAbhiramu. Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo; murazvo ukaparadza vakaipa. Vakaumba mhuru paHorebhi, vakanamata chifananidzo chakaumbwa. Vakatsinhanisa kubwinya kwavo nomufananidzo wehando, inodya uswa. Vakakanganwa Mwari akavaponesa, uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti, mabasa anoshamisa munyika yaHamu namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku. Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza.