Mapisarema 106:1-23
Mapisarema 106:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hareruya. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Ndianiko angareva zvinhu zvine simba zvakaitwa naJehovha, Kana kududzira kurumbidza kwake kwose? Vakaropafadzwa vanochengeta kururama, Naiye anoita zvakarurama nguva dzose. Ndirangarirei Jehovha, nounyoro hwamunahwo kuvanhu venyu; Ndishanyirei noruponeso rwenyu. Kuti ndione kukomborerwa kwavasanangurwa venyu, Kuti ndifare kwazvo nomufaro wavanhu venyu, Kuti ndirumbidze pamwechete nenhaka yenyu. Takatadza pamwechete namadzibaba edu, Takaita pamwechete namadzibaba edu, Takaita zvisina kururama, takaita zvakaipa. Madzibaba edu haana kunzwisisa zvishamiso zvenyu paIjipiti; Haana kurangarira ngoni dzenyu zhinji; Asi vakakumukirai pagungwa, ipo paGungwa Dzvuku. Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, Kuti azivise simba rake guru. Akarairawo Gungwa Dzvuku, rikapwa, Akavafambisa pakadzika sapanenge pabani. Akavaponesa paruoko rwowaivavenga. Akavadzikinura paruoko rwomuvengi. Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; Kwakanga kusina nomumwe wavo akasara. Ipapo vakatenda mashoko ake; Vakaimba vachimurumbidza. Vakachimbidzika kukanganwa mabasa ake; Havana kurindira zano rake. Asi vakachiva kwazvo-kwazvo murenje, Vakaidza Mwari mugwenga. Akavapa chavakakumbira; Asi akatuma kuonda mumweya yavo. Vakagodora Mosesi pamisasa, NaAroni, mutsvene waJehovha. Pasi pakashama pakamedza Dhatani, Pakafukidza boka raAbhirami. Moto ukapfuta pakati peboka ravo; Murazvo ukapisa vakaipa. Vakaita mhuru paHorebhi, Vakanamata mufananidzo wakaumbwa. Vakatsinhana saizvozvo kubwinya kwavo Nomufananidzo wemombe, inochera bundo. Vakakanganwa Mwari muponesi wavo, Wakaita zvinhu zvikuru paIjipiti; Mabasa anoshamisa munyika yaHamu, Nezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku. Saka akati, “Ndinoda kuvaparadza; Dai Mosesi musanangurwa wake asina kumira pamberi pake ipo pakuputsika, Kuti adzore kutsamwa kwake, arege kuvaparadza.”
Mapisarema 106:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba, kana kureva kurumbidzwa kwake kwose? Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira, vanogara vachiita zvakarurama. Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu, pamunovaponesa, mundibatsirewo, kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu, kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu, uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza. Takatadza, sezvakaita madzibaba edu; takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa. Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti, havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu; havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji, asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku. Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, kuti simba rake guru rizivikanwe. Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa; uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga. Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi; akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi. Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; hakuna mumwe wavo akapona. Ipapo vakatenda vimbiso dzake vakaimba vachimurumbidza. Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita, uye vakasamirira kurayira kwake. Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje. Saka akavapa zvavakakumbira, asi akatuma chirwere chinopedza muviri pamusoro pavo. Vakaitira Mozisi godo mumusasa, naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha. Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani; ikaviga boka raAbhiramu. Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo; murazvo ukaparadza vakaipa. Vakaumba mhuru paHorebhi, vakanamata chifananidzo chakaumbwa. Vakatsinhanisa kubwinya kwavo nomufananidzo wehando, inodya uswa. Vakakanganwa Mwari akavaponesa, uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti, mabasa anoshamisa munyika yaHamu namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku. Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza.
Mapisarema 106:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hareruya. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Ndianiko angareva zvinhu zvine simba zvakaitwa naJehovha, Kana kududzira kurumbidza kwake kwose? Vakaropafadzwa vanochengeta kururama, Naiye anoita zvakarurama nguva dzose. Ndirangarirei Jehovha, nounyoro hwamunahwo kuvanhu venyu; Ndishanyirei noruponeso rwenyu. Kuti ndione kukomborerwa kwavasanangurwa venyu, Kuti ndifare kwazvo nomufaro wavanhu venyu, Kuti ndirumbidze pamwechete nenhaka yenyu. Takatadza pamwechete namadzibaba edu, Takaita pamwechete namadzibaba edu, Takaita zvisina kururama, takaita zvakaipa. Madzibaba edu haana kunzwisisa zvishamiso zvenyu paIjipiti; Haana kurangarira ngoni dzenyu zhinji; Asi vakakumukirai pagungwa, ipo paGungwa Dzvuku. Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, Kuti azivise simba rake guru. Akarairawo Gungwa Dzvuku, rikapwa, Akavafambisa pakadzika sapanenge pabani. Akavaponesa paruoko rwowaivavenga. Akavadzikinura paruoko rwomuvengi. Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; Kwakanga kusina nomumwe wavo akasara. Ipapo vakatenda mashoko ake; Vakaimba vachimurumbidza. Vakachimbidzika kukanganwa mabasa ake; Havana kurindira zano rake. Asi vakachiva kwazvo-kwazvo murenje, Vakaidza Mwari mugwenga. Akavapa chavakakumbira; Asi akatuma kuonda mumweya yavo. Vakagodora Mosesi pamisasa, NaAroni, mutsvene waJehovha. Pasi pakashama pakamedza Dhatani, Pakafukidza boka raAbhirami. Moto ukapfuta pakati peboka ravo; Murazvo ukapisa vakaipa. Vakaita mhuru paHorebhi, Vakanamata mufananidzo wakaumbwa. Vakatsinhana saizvozvo kubwinya kwavo Nomufananidzo wemombe, inochera bundo. Vakakanganwa Mwari muponesi wavo, Wakaita zvinhu zvikuru paIjipiti; Mabasa anoshamisa munyika yaHamu, Nezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku. Saka akati, “Ndinoda kuvaparadza; Dai Mosesi musanangurwa wake asina kumira pamberi pake ipo pakuputsika, Kuti adzore kutsamwa kwake, arege kuvaparadza.”
Mapisarema 106:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Areruya. Tendai TENZI nokuti wakanaka nokuti mwoyochena wake hauperi. Ndiani angataure mabasa aTENZI esimba kana angaparidze mukurumbira wake? Vakakomborerwa zvavo vanoita zvino ruenzaniso; vanoita zvakarurama nguva dzose. Ndiyeukeiwo TENZI pamunoratidza vanhu venyu kuvada kwenyu. Ndiyamureiwo pamunovanunura kuti ndiwanewo kubudirira kwavasarudzwi venyu kuti ndifarewo panofara vanhu venyu. Ndigopemberawo nenhaka yenyu. Asi pamwechete namadzibaba edu takatadza. Takaita zvakaipa takaita zvisakarurama. Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti havana kurangarira mabasa enyu anoshamisa. Havana kuyeuka kuita mwoyochena kwenyu kwakawanda asi vakatopandukira Wokumusorosoro paGungwa Dzvuku. Zvakadaro zvazvo akavanunura pamusana pezita rake kuti aratidze simba rake guru. Akakarira Gungwa Dzvuku rikava napakaoma; akavatungamirira napakadzika sokunge vaiva mugwenga. Nokudaro akavanunura mumaoko omuvengi akavaponesa kusimba remhandu. Mvura yakafukidza vaivarwisa hakuna kana mumwechete wavo akasara. Ndipo pavakatenda mazwi ake vakaimba vachimurumbidza. Asi havana kutana kukanganwa mabasa ake; havana kumirira mazano ake. Asi vakaita makaro murenje, vakaedza Mwari mugwenga. Akavapa zvavakakumbira asi akavatumira denda rinoparadza. Vanhu pavakaitira Mosesi shanje pamatendhe naAroni mutsvene waTENZI. Nyika yakabamuka ikamedza Dhatani ikafukidza vechikwata chokwaAbhiramu. Moto wakabaka muchikwata chavo; rimi romoto rikapisa vakaipa. Vakaumba chimhuru kuHorebhu vakagwadamira chifananidzo chakaumbwa. Mbiri yavaifanira kupa Mwari vakaipa kuchifananidzo chemombe inodya uswa. Vakakanganwa Mwari mununuri wavo akaita zvinhu zvikuru muIjipiti, mabasa anoshamisa munyika yaHamu uye zvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku. Naizvozvo akati regai ndivaparadze pasina kuti Mosesi musarudzwi wake, akatovamiririra pamberi pake kuti adzore hasha dzake arege kuvaparadza.
Mapisarema 106:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hareruya. Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ndianiko uŋgareʋa ɀinhu ɀinesimba ɀakaitwa naJehova, Kana kuɗudzira kurumbidza kwake kwose? Ʋakaropafadzwa ʋanoceŋgeta kururama, Naiye unoita ɀakarurama ŋguʋa dzose. Ndiraŋgarirei Jehova, noʋunyoro bgamunabgo kuʋanhu ʋenyu; Ndishanyirei noruponeso rwenyu. Kuti ndiʋone kukomborerwa kwaʋasanaŋgurwa ʋenyu, Kuti ndifare kwaɀo nomufaro waʋanhu ʋenyu, Kuti ndirumbidze pamŋe cete nenhaka yenyu. Takatadza pamŋe cete namadziɓaɓa eɗu, Takaita ɀisina‐kururama, takaita ɀakaipa. Madziɓaɓa eɗu haana‐kunzwisisa ɀishamiso ɀenyu paEgipita; Haana‐kuraŋgarira ŋgoni dzenyu zhinji; Asi ʋakakumukirai paguŋgwa, ipo paGuŋgwa Dɀuku. Kunyaŋge ɀakaɗaro wakaʋaponesa nokuɗa kwezita rake, Kuti aziʋise simba rake guru. Wakaraira ʋo Guŋgwa Dɀuku, rikapxa, Akaʋafambisa pakadzika sapaneŋge paɓani. Akaʋaponesa paruʋoko rwowaiʋaʋeŋga. Akaʋadzikinura paruʋoko rwomuʋeŋgi. Mvura zhinji yakafukidza ʋadziʋisi ʋaʋo; Kwakaŋga kusina‐nomumŋe waʋo wakasara. Ipapo ʋakatenda mashoko ake; Ʋakaimba ʋacimurumbidza. Ʋakacimbidzika kukaŋganwa maɓasa ake; Haʋana‐kurindira zano rake. Asi ʋakaciʋa kwaɀo‐kwaɀo murenje, Ʋakaidza Mŋari muciwunde. Akaʋapa caʋakakumbira; Asi wakatuma kuwonda mumŋeya yaʋo. Ʋakagoɗora Mosesi pamisasa, NaAroni, mutȿene waJehova. Pasi pakashama pakamedza Datani, Pakafukidza ɓoka raAbirami. Mŋoto ukapfuta pakati peɓoka raʋo; Muraɀo ukapisa ʋakaipa. Ʋakaita mhuru paHorebi, Ʋakanamata mufananidzo wakaʋumbga. Ʋakatsinhana saiɀoɀo kubginya kwaʋo Nomufananidzo weŋombe, inocera ɓundo. Ʋakakaŋganwa Mŋari muponesi waʋo, Wakaita ɀinhu ɀikuru paEgipita; Maɓasa anoshamisa munyika yaHamu, Neɀinhu ɀinotyisa paGuŋgwa Dɀuku. Saka wakati: Ndinoɗa kuʋaparadza; Ƌai Mosesi musanaŋgurwa wake asina‐kumira pamberi pake ipo pakaputsika, Kuti adzore kutsamŋa kwake, arege kuʋaparadza.
Mapisarema 106:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)