Hareruya. Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ndianiko uŋgareʋa ɀinhu ɀinesimba ɀakaitwa naJehova, Kana kuɗudzira kurumbidza kwake kwose? Ʋakaropafadzwa ʋanoceŋgeta kururama, Naiye unoita ɀakarurama ŋguʋa dzose. Ndiraŋgarirei Jehova, noʋunyoro bgamunabgo kuʋanhu ʋenyu; Ndishanyirei noruponeso rwenyu. Kuti ndiʋone kukomborerwa kwaʋasanaŋgurwa ʋenyu, Kuti ndifare kwaɀo nomufaro waʋanhu ʋenyu, Kuti ndirumbidze pamŋe cete nenhaka yenyu. Takatadza pamŋe cete namadziɓaɓa eɗu, Takaita ɀisina‐kururama, takaita ɀakaipa. Madziɓaɓa eɗu haana‐kunzwisisa ɀishamiso ɀenyu paEgipita; Haana‐kuraŋgarira ŋgoni dzenyu zhinji; Asi ʋakakumukirai paguŋgwa, ipo paGuŋgwa Dɀuku. Kunyaŋge ɀakaɗaro wakaʋaponesa nokuɗa kwezita rake, Kuti aziʋise simba rake guru. Wakaraira ʋo Guŋgwa Dɀuku, rikapxa, Akaʋafambisa pakadzika sapaneŋge paɓani. Akaʋaponesa paruʋoko rwowaiʋaʋeŋga. Akaʋadzikinura paruʋoko rwomuʋeŋgi. Mvura zhinji yakafukidza ʋadziʋisi ʋaʋo; Kwakaŋga kusina‐nomumŋe waʋo wakasara. Ipapo ʋakatenda mashoko ake; Ʋakaimba ʋacimurumbidza. Ʋakacimbidzika kukaŋganwa maɓasa ake; Haʋana‐kurindira zano rake. Asi ʋakaciʋa kwaɀo‐kwaɀo murenje, Ʋakaidza Mŋari muciwunde. Akaʋapa caʋakakumbira; Asi wakatuma kuwonda mumŋeya yaʋo. Ʋakagoɗora Mosesi pamisasa, NaAroni, mutȿene waJehova. Pasi pakashama pakamedza Datani, Pakafukidza ɓoka raAbirami. Mŋoto ukapfuta pakati peɓoka raʋo; Muraɀo ukapisa ʋakaipa. Ʋakaita mhuru paHorebi, Ʋakanamata mufananidzo wakaʋumbga. Ʋakatsinhana saiɀoɀo kubginya kwaʋo Nomufananidzo weŋombe, inocera ɓundo. Ʋakakaŋganwa Mŋari muponesi waʋo, Wakaita ɀinhu ɀikuru paEgipita; Maɓasa anoshamisa munyika yaHamu, Neɀinhu ɀinotyisa paGuŋgwa Dɀuku. Saka wakati: Ndinoɗa kuʋaparadza; Ƌai Mosesi musanaŋgurwa wake asina‐kumira pamberi pake ipo pakaputsika, Kuti adzore kutsamŋa kwake, arege kuʋaparadza.
Verenga chikamu Mapisarema 106
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 106:1-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo