Hareruya. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Ndianiko angareva zvinhu zvine simba zvakaitwa naJehovha, Kana kududzira kurumbidza kwake kwose? Vakaropafadzwa vanochengeta kururama, Naiye anoita zvakarurama nguva dzose. Ndirangarirei Jehovha, nounyoro hwamunahwo kuvanhu venyu; Ndishanyirei noruponeso rwenyu. Kuti ndione kukomborerwa kwavasanangurwa venyu, Kuti ndifare kwazvo nomufaro wavanhu venyu, Kuti ndirumbidze pamwechete nenhaka yenyu. Takatadza pamwechete namadzibaba edu, Takaita pamwechete namadzibaba edu, Takaita zvisina kururama, takaita zvakaipa. Madzibaba edu haana kunzwisisa zvishamiso zvenyu paIjipiti; Haana kurangarira ngoni dzenyu zhinji; Asi vakakumukirai pagungwa, ipo paGungwa Dzvuku. Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, Kuti azivise simba rake guru. Akarairawo Gungwa Dzvuku, rikapwa, Akavafambisa pakadzika sapanenge pabani. Akavaponesa paruoko rwowaivavenga. Akavadzikinura paruoko rwomuvengi. Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; Kwakanga kusina nomumwe wavo akasara. Ipapo vakatenda mashoko ake; Vakaimba vachimurumbidza. Vakachimbidzika kukanganwa mabasa ake; Havana kurindira zano rake. Asi vakachiva kwazvo-kwazvo murenje, Vakaidza Mwari mugwenga. Akavapa chavakakumbira; Asi akatuma kuonda mumweya yavo. Vakagodora Mosesi pamisasa, NaAroni, mutsvene waJehovha. Pasi pakashama pakamedza Dhatani, Pakafukidza boka raAbhirami. Moto ukapfuta pakati peboka ravo; Murazvo ukapisa vakaipa. Vakaita mhuru paHorebhi, Vakanamata mufananidzo wakaumbwa. Vakatsinhana saizvozvo kubwinya kwavo Nomufananidzo wemombe, inochera bundo. Vakakanganwa Mwari muponesi wavo, Wakaita zvinhu zvikuru paIjipiti; Mabasa anoshamisa munyika yaHamu, Nezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku. Saka akati, “Ndinoda kuvaparadza; Dai Mosesi musanangurwa wake asina kumira pamberi pake ipo pakuputsika, Kuti adzore kutsamwa kwake, arege kuvaparadza.”
Verenga chikamu Mapisarema 106
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 106:1-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo