Areruya. Tendai TENZI nokuti wakanaka nokuti mwoyochena wake hauperi. Ndiani angataure mabasa aTENZI esimba kana angaparidze mukurumbira wake? Vakakomborerwa zvavo vanoita zvino ruenzaniso; vanoita zvakarurama nguva dzose. Ndiyeukeiwo TENZI pamunoratidza vanhu venyu kuvada kwenyu. Ndiyamureiwo pamunovanunura kuti ndiwanewo kubudirira kwavasarudzwi venyu kuti ndifarewo panofara vanhu venyu. Ndigopemberawo nenhaka yenyu. Asi pamwechete namadzibaba edu takatadza. Takaita zvakaipa takaita zvisakarurama. Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti havana kurangarira mabasa enyu anoshamisa. Havana kuyeuka kuita mwoyochena kwenyu kwakawanda asi vakatopandukira Wokumusorosoro paGungwa Dzvuku. Zvakadaro zvazvo akavanunura pamusana pezita rake kuti aratidze simba rake guru. Akakarira Gungwa Dzvuku rikava napakaoma; akavatungamirira napakadzika sokunge vaiva mugwenga. Nokudaro akavanunura mumaoko omuvengi akavaponesa kusimba remhandu. Mvura yakafukidza vaivarwisa hakuna kana mumwechete wavo akasara. Ndipo pavakatenda mazwi ake vakaimba vachimurumbidza. Asi havana kutana kukanganwa mabasa ake; havana kumirira mazano ake. Asi vakaita makaro murenje, vakaedza Mwari mugwenga. Akavapa zvavakakumbira asi akavatumira denda rinoparadza. Vanhu pavakaitira Mosesi shanje pamatendhe naAroni mutsvene waTENZI. Nyika yakabamuka ikamedza Dhatani ikafukidza vechikwata chokwaAbhiramu. Moto wakabaka muchikwata chavo; rimi romoto rikapisa vakaipa. Vakaumba chimhuru kuHorebhu vakagwadamira chifananidzo chakaumbwa. Mbiri yavaifanira kupa Mwari vakaipa kuchifananidzo chemombe inodya uswa. Vakakanganwa Mwari mununuri wavo akaita zvinhu zvikuru muIjipiti, mabasa anoshamisa munyika yaHamu uye zvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku. Naizvozvo akati regai ndivaparadze pasina kuti Mosesi musarudzwi wake, akatovamiririra pamberi pake kuti adzore hasha dzake arege kuvaparadza.
Verenga chikamu Nziyo 106
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 106:1-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo