Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 105:16-45

Mapisarema 105:16-45 BDSC

Akadana nzara panyika ikaparadza zvose zvaiuyisa zvokudya; uye akatuma munhu pamberi pavo, iye Josefa, akatengeswa senhapwa. Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo mutsipa wake ukaiswa mumatare esimbi, kusvikira zvaakareva zvazadziswa, kusvikira shoko raJehovha raratidza kutendeka kwake. Mambo akatuma shoko kuti asunungurwe, vatongi vavanhu vakamuregedza. Akamuita tenzi weimba yake, nomutongi wepfuma yake yose, kuti arayire machinda ake sezvaaida uye adzidzise vakuru vake njere. Ipapo Israeri akapinda muIjipiti; Jakobho akagara somweni munyika yaHamu. Jehovha akawanza vanhu vake chose; akavaita vazhinji kwazvo kupinda vavengi vavo, avo vaakashandura mwoyo yavo kuti ivenge vanhu vake, kuti varangane pamusoro pavaranda vake. Akatuma Mozisi muranda wake, naAroni, waakanga asarudza. Vakaita zviratidzo zvinoshamisa pakati pavo, izvo zvishamiso zvake munyika yaHamu. Akatumira rima akaita kuti nyika ive murima, nokuti havana kumukira shoko rake here? Akashandura mvura yavo zhinji ikava ropa, zvikaita kuti hove dzavo dzife. Nyika yavo yakazara namatatya, akapinda mudzimba dzamadzimambo avo. Akataura mapupira enhunzi akauya, nenda munyika yavo yose. Akashandura mvura yavo ikava chimvuramabwe, nemheni munyika yavo yose; akarova mizambiringa yavo nemionde yavo, akaparadza miti yomunyika yavo. Akataura, mhashu dzikauya, namagutaguta asingaverengeki; zvakadya miriwo minyoro yose munyika yavo, zvikadya zvibereko zvevhu ravo. Ipapo akarova matangwe munyika yavo, zvibereko zvokutanga zvesimba roujaya hwavo. Akabudisa Israeri akaremerwa nesirivha negoridhe, kwakanga kusina akagumburwa pakati pamarudzi avo. Ijipiti yakafara pavakabva, nokuti kutya vaIsraeri kwakanga kwavabata. Akatatamura gore rikava chifukidzo, uye moto kuti uvhenekere usiku. Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga. Akazarura dombo, mvura ikatubuka; ikayerera mugwenga sorwizi. Nokuti akarangarira mhiko yake tsvene yaakapa Abhurahama muranda wake. Akabudisa vanhu vake nomufaro, vasanangurwa vake nokupembera kwomufaro; akavapa nyika dzendudzi, vakagara nhaka yakanga yatamburirwa navamwe, kuti vachengete zvaakatema uye vacherechedze mirayiro yake.