Akadana nzara kuti iuye panyika;
Akavhuna mudonzvo wose wechingwa.
Akatuma murume pamberi pavo;
Josefa akatengeswa akava muranda;
Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi,
Akasungwa namaketani amatare;
Kusvikira panguva yakaitika shoko rake;
Shoko raJehovha rakamuidza.
Mambo akatuma nhume akamusunungura;
Mubati wendudzi dzavanhu, akamuregedza.
Akamuita ishe weimba yake,
Nomubati wepfuma yake yose;
Kuti araire machinda ake nokuda kwake,
Nokudzidzisa vakuru vake huchenjeri.
Isiraeri akasvikawo Ijipiti;
NaJakobho wakagara ari mutorwa
panyika yaHamu.
Akawanza vanhu vake kwazvo,
Akavapa simba rakapfuura ravadzivisi vavo.
Wakashandura mwoyo yavo kuti
vavenge vanhu vake.
Kuti vanyengere varanda vake.
Akatuma Mosesi muranda wake,
NaAroni waakanga asanangura.
Ivo vakaratidza zviratidzo zvake pakati pavo,
Nezvishamiso panyika yaHamu.
Akatuma rima, akaisvibisa;
Vakasamukira mashoko ake.
Akashandura mvura yavo yose, ikaita ropa,
Akauraya hove dzavo.
Nyika yavo yakazara namatatya,
Mudzimba dzamadzimambo avo.
Akataura, mapupira enhunzi akasvika,
Nenda panyika yavo yose.
Akavapa chimvuramabwe panzvimbo yemvura,
Uye moto wakapfuta munyika yavo.
Wakarovawo midzambiringa yavo
nemionde yavo;
Akavhuna-vhunawo miti yenyika yavo.
Akataura, mhashu dzikasvika,
Namagwatakwata asingagoni kuverengwa.
Zvikapedza miriwo yose munyika yavo,
Nokupedza zvibereko zvevhu ravo.
Akarovawo matangwe ose munyika yavo,
Ivo vokutanga vesimba ravo rose.
Akavabudisa vane sirivha nendarama;
Kwakanga kusina nomumwe pakati
pamarudzi avo wakashaiwa simba.
Nyika yeIjipiti yakafara pakubva kwavo,
Nokuti vakanga vabatwa nokutya
nokuda kwavo.
Wakatatanura gore rikava chifukidzo;
Nomoto kuzovhenekera usiku.
Vakakumbira, akauyisa zvihuta,
Akavagutisa nechingwa chakabva kudenga.
Akazarura dombo, mvura zhinji ikadzutuka;
Ikayerera pakanga pakaoma sorwizi.
Nokuti akarangarira shoko rake dzvene,
NaAbhurahamu muranda wake.
Akabudisa vanhu vake nomufaro,
Navasanangurwa vake vachiimba.
Akavapa nyika dzavahedheni;
Vakazvitorera zvakanga zvabatwa
nendudzi dzavanhu;
Kuti vachengete zvaakatema,
Nokuteerera mirairo yake.
Hareruya.