Mapisarema 105:16-45
Mapisarema 105:16-45 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akadana nzara kuti iuye panyika; Akavhuna mudonzvo wose wechingwa. Akatuma murume pamberi pavo; Josefa akatengeswa akava muranda; Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi, Akasungwa namaketani amatare; Kusvikira panguva yakaitika shoko rake; Shoko raJehovha rakamuidza. Mambo akatuma nhume akamusunungura; Mubati wendudzi dzavanhu, akamuregedza. Akamuita ishe weimba yake, Nomubati wepfuma yake yose; Kuti araire machinda ake nokuda kwake, Nokudzidzisa vakuru vake huchenjeri. Isiraeri akasvikawo Ijipiti; NaJakobho wakagara ari mutorwa panyika yaHamu. Akawanza vanhu vake kwazvo, Akavapa simba rakapfuura ravadzivisi vavo. Wakashandura mwoyo yavo kuti vavenge vanhu vake. Kuti vanyengere varanda vake. Akatuma Mosesi muranda wake, NaAroni waakanga asanangura. Ivo vakaratidza zviratidzo zvake pakati pavo, Nezvishamiso panyika yaHamu. Akatuma rima, akaisvibisa; Vakasamukira mashoko ake. Akashandura mvura yavo yose, ikaita ropa, Akauraya hove dzavo. Nyika yavo yakazara namatatya, Mudzimba dzamadzimambo avo. Akataura, mapupira enhunzi akasvika, Nenda panyika yavo yose. Akavapa chimvuramabwe panzvimbo yemvura, Uye moto wakapfuta munyika yavo. Wakarovawo midzambiringa yavo nemionde yavo; Akavhuna-vhunawo miti yenyika yavo. Akataura, mhashu dzikasvika, Namagwatakwata asingagoni kuverengwa. Zvikapedza miriwo yose munyika yavo, Nokupedza zvibereko zvevhu ravo. Akarovawo matangwe ose munyika yavo, Ivo vokutanga vesimba ravo rose. Akavabudisa vane sirivha nendarama; Kwakanga kusina nomumwe pakati pamarudzi avo wakashaiwa simba. Nyika yeIjipiti yakafara pakubva kwavo, Nokuti vakanga vabatwa nokutya nokuda kwavo. Wakatatanura gore rikava chifukidzo; Nomoto kuzovhenekera usiku. Vakakumbira, akauyisa zvihuta, Akavagutisa nechingwa chakabva kudenga. Akazarura dombo, mvura zhinji ikadzutuka; Ikayerera pakanga pakaoma sorwizi. Nokuti akarangarira shoko rake dzvene, NaAbhurahamu muranda wake. Akabudisa vanhu vake nomufaro, Navasanangurwa vake vachiimba. Akavapa nyika dzavahedheni; Vakazvitorera zvakanga zvabatwa nendudzi dzavanhu; Kuti vachengete zvaakatema, Nokuteerera mirairo yake. Hareruya.
Mapisarema 105:16-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akadana nzara panyika ikaparadza zvose zvaiuyisa zvokudya; uye akatuma munhu pamberi pavo, iye Josefa, akatengeswa senhapwa. Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo mutsipa wake ukaiswa mumatare esimbi, kusvikira zvaakareva zvazadziswa, kusvikira shoko raJehovha raratidza kutendeka kwake. Mambo akatuma shoko kuti asunungurwe, vatongi vavanhu vakamuregedza. Akamuita tenzi weimba yake, nomutongi wepfuma yake yose, kuti arayire machinda ake sezvaaida uye adzidzise vakuru vake njere. Ipapo Israeri akapinda muIjipiti; Jakobho akagara somweni munyika yaHamu. Jehovha akawanza vanhu vake chose; akavaita vazhinji kwazvo kupinda vavengi vavo, avo vaakashandura mwoyo yavo kuti ivenge vanhu vake, kuti varangane pamusoro pavaranda vake. Akatuma Mozisi muranda wake, naAroni, waakanga asarudza. Vakaita zviratidzo zvinoshamisa pakati pavo, izvo zvishamiso zvake munyika yaHamu. Akatumira rima akaita kuti nyika ive murima, nokuti havana kumukira shoko rake here? Akashandura mvura yavo zhinji ikava ropa, zvikaita kuti hove dzavo dzife. Nyika yavo yakazara namatatya, akapinda mudzimba dzamadzimambo avo. Akataura mapupira enhunzi akauya, nenda munyika yavo yose. Akashandura mvura yavo ikava chimvuramabwe, nemheni munyika yavo yose; akarova mizambiringa yavo nemionde yavo, akaparadza miti yomunyika yavo. Akataura, mhashu dzikauya, namagutaguta asingaverengeki; zvakadya miriwo minyoro yose munyika yavo, zvikadya zvibereko zvevhu ravo. Ipapo akarova matangwe munyika yavo, zvibereko zvokutanga zvesimba roujaya hwavo. Akabudisa Israeri akaremerwa nesirivha negoridhe, kwakanga kusina akagumburwa pakati pamarudzi avo. Ijipiti yakafara pavakabva, nokuti kutya vaIsraeri kwakanga kwavabata. Akatatamura gore rikava chifukidzo, uye moto kuti uvhenekere usiku. Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga. Akazarura dombo, mvura ikatubuka; ikayerera mugwenga sorwizi. Nokuti akarangarira mhiko yake tsvene yaakapa Abhurahama muranda wake. Akabudisa vanhu vake nomufaro, vasanangurwa vake nokupembera kwomufaro; akavapa nyika dzendudzi, vakagara nhaka yakanga yatamburirwa navamwe, kuti vachengete zvaakatema uye vacherechedze mirayiro yake.

Mapisarema 105:16-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakatuma nzara panyika akaparadza chose chinonzi chokudya. Akafanotuma mumwe murume pamberi pavo ainzi Josefi akatengeswa somuranda. Makumbo akati ngaasungwe akaiswa makechemu, mutsipa wake wakakochekerwa nesimbi. Kusvikira zvaakanga ataura zvaitika, shoko raTENZI rakamupembedza. Mambo akatuma shoko akamusunungura mutongi wavanhu akamusunungura. Akamuita mukuru mukuru womuzinda wake uye mutongi wezvinhu zvake zvose achigona kupa machinda ake mutemo waanoda uye kudzidzisa vakuru kwaari ungwaru. Isiraeri akazouya kuIjipiti Jakobho akambogara munyika yokwaHamu. TENZI akaita kuti vanhu vake vaberekane zvikuru akavapa simba kupinda vatongi vavo vaakasandura mwoyo kuti vavenge vanhu vake uye kuti vanyengedze varanda vake. Akatuma Mosesi muranda wake naAroni waakasarudza vakaita zviratidzo zvake pakati pavo nezvishamiso munyika yokwaHamu. Akatuma rima akaita kuti nyika iite rima, ikati ndoo kusviba. Akapandukira zvaakanga areva. Akasandura mvura yavo ikava ropa akauraisa hove dzavo. Nyika yavo yakazara matafi kunyange mudzimba dzamadzimambo avo. Akataura kukauya mhute dzenhunzi neumhutu nyika yavo yose. Panze pokuvapa mvura akavatumira chimvuramahwe nemheni yaipenya nyika yose akaparadza migirepisi yavo nemionde yavo akatyoranisa miti yenyika yavo yose. Akataura, hwiza dzikauya, gwatakwata radzo risingaverengeki. Dzakadya zvinomera zvose munyika mavo dzikadya muchero weminda yavo. Akauraya matangwe ose munyika mavo zvibereko zvokutanga zvesimba ravo rose. Akabudisa vaIsiraeri vaine sirivha nendarama, hapana kana mumwe wavo aiva noundonda. Ijipiti yakafara pavakaenda nokuti yakanga yawirwa nokuvatya kukuru. Akatambanudza gore rokuvafukidza naro nomoto wokuvavhenekera nawo usiku. Vakakumbira, iye akavaunzira zvihuta, akavapa chingwa chakawanda chaibva kudenga. Akazarura dombo mvura ikadzutuka ikayerera nomurenje serwizi nokuti akayeuka chitsidzo chake chinoera naAbhurahamu muranda wake. Naizvozvo akatungamirira vanhu vake norufaro vanhu vake vaakasarudza vakaimba nomufaro. Akavapa nyika dzevechirudzi vakatora zvavo muchero webasa rakanga raitwa namarudzi avanhu achiitira kuti ivo vazochengeta mirao yake nokuchengeta mitemo yake. Areruya.
Mapisarema 105:16-45 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akadana nzara kuti iʋuye panyika; Akavuna muɗonɀo wose weciŋgwa. Wakatuma murume pamberi paʋo; Josefa wakateŋgeswa akaʋa muranda; Ʋakakuʋadza tsoka dzake neɀisuŋgo ɀesimbi, Akasuŋgwa namaketani amatare; Kuȿikira paŋguʋa yakaitika shoko rake; Shoko raJehova rakamuidza. Mambo wakatuma nhume akamusunuŋgura; Muɓati wendudzi dzaʋanhu, akamuregedza. Wakamuita ishe weimba yake, Nomuɓati wefuma yake yose; Kuti araire macinda ake nokuɗa kwake, Nokudzidzisa ʋakuru ʋake ʋucenjeri. Israeri wakaȿika ʋo Egipita; NaJakobo wakagara ari mutorwa panyika yaHamu. Akawanza ʋanhu ʋake kwaɀo, Akaʋapa simba rakapfuʋura raʋadziʋisi ʋaʋo. Wakashandura mŋoyo yaʋo kuti ʋaʋeŋge ʋanhu ʋake, Kuti ʋanyeŋgere ʋaranda ʋake. Wakatuma Mosesi muranda wake, NaAroni waakaŋga asanaŋgura. Iʋo ʋakaratidza ɀiratidzo ɀake pakati paʋo, Neɀishamiso panyika yaHamu. Wakatuma rima, akaiȿiɓisa; Ʋakasamukira mashoko ake. Wakashandura mvura yaʋo yose, ikaita ropa, Akaʋuraya hoʋe dzaʋo. Nyika yaʋo yakazara namataca, Mudzimba dzamadzimambo aʋo. Wakataura, mapupira enhunzi akaȿika, Nenda panyika yaʋo yose. Wakaʋapa cimvuramabge panɀimbo yemvura, Ʋuye mŋoto wakapfuta munyika yaʋo. Wakaroʋa ʋo mizambiriŋga yaʋo nemiʋonde yaʋo; Akavuna‐vuna ʋo miti yenyika yaʋo. Wakataura, mhashu dzikaȿika, Namagwatakwata asiŋgagoni kuʋereŋgwa. Ɀikapedza miriʋo yose munyika yaʋo, Nokupedza ɀiɓereko ɀevu raʋo. Akaroʋa ʋo mataŋgwe ose munyika yaʋo, Iʋo ʋokutaŋga ʋesimba raʋo rose. Akaʋaɓuɗisa ʋanesirveri nendarama; Kwakaŋga kusina‐nomumŋe pakati pamarudzi aʋo wakashaiwa simba. Nyika yeEgipita yakafara pakubva kwaʋo, Nokuti ʋakaŋga ʋaɓatwa nokutya nokuɗa kwaʋo. Wakatatanura gore rikaʋa cifukidzo; Nomŋoto kuzovenekera ʋusiku. Ʋakakumbira, akaʋuyisa ɀihuta, Akaʋagutisa neciŋgwa cakabva kuɗeŋga. Wakazarura ɗombo, mvura zhinji ikadzutuka; Ikayerera pakaŋga pakawoma sorwizi. Nokuti wakaraŋgarira shoko rake dɀene, NaAbrahama muranda wake. Akaɓuɗisa ʋanhu ʋake nomufaro, Naʋasanaŋgurwa ʋake ʋaciimba. Akaʋapa nyika dzaʋahedeni; Ʋakaɀitorera ɀakaŋga ɀaɓatwa nendudzi dzaʋanhu; Kuti ʋaceŋgete ɀaakatema, Nokuterera mirairo yake. Hareruya.
Mapisarema 105:16-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)