Akadana nzara kuti iʋuye panyika;
Akavuna muɗonɀo wose weciŋgwa.
Wakatuma murume pamberi paʋo;
Josefa wakateŋgeswa akaʋa muranda;
Ʋakakuʋadza tsoka dzake neɀisuŋgo ɀesimbi,
Akasuŋgwa namaketani amatare;
Kuȿikira paŋguʋa yakaitika shoko rake;
Shoko raJehova rakamuidza.
Mambo wakatuma nhume akamusunuŋgura;
Muɓati wendudzi dzaʋanhu, akamuregedza.
Wakamuita ishe weimba yake,
Nomuɓati wefuma yake yose;
Kuti araire macinda ake nokuɗa kwake,
Nokudzidzisa ʋakuru ʋake ʋucenjeri.
Israeri wakaȿika ʋo Egipita;
NaJakobo wakagara ari mutorwa panyika yaHamu.
Akawanza ʋanhu ʋake kwaɀo,
Akaʋapa simba rakapfuʋura raʋadziʋisi ʋaʋo.
Wakashandura mŋoyo yaʋo kuti ʋaʋeŋge ʋanhu ʋake,
Kuti ʋanyeŋgere ʋaranda ʋake.
Wakatuma Mosesi muranda wake,
NaAroni waakaŋga asanaŋgura.
Iʋo ʋakaratidza ɀiratidzo ɀake pakati paʋo,
Neɀishamiso panyika yaHamu.
Wakatuma rima, akaiȿiɓisa;
Ʋakasamukira mashoko ake.
Wakashandura mvura yaʋo yose, ikaita ropa,
Akaʋuraya hoʋe dzaʋo.
Nyika yaʋo yakazara namataca,
Mudzimba dzamadzimambo aʋo.
Wakataura, mapupira enhunzi akaȿika,
Nenda panyika yaʋo yose.
Wakaʋapa cimvuramabge panɀimbo yemvura,
Ʋuye mŋoto wakapfuta munyika yaʋo.
Wakaroʋa ʋo mizambiriŋga yaʋo nemiʋonde yaʋo;
Akavuna‐vuna ʋo miti yenyika yaʋo.
Wakataura, mhashu dzikaȿika,
Namagwatakwata asiŋgagoni kuʋereŋgwa.
Ɀikapedza miriʋo yose munyika yaʋo,
Nokupedza ɀiɓereko ɀevu raʋo.
Akaroʋa ʋo mataŋgwe ose munyika yaʋo,
Iʋo ʋokutaŋga ʋesimba raʋo rose.
Akaʋaɓuɗisa ʋanesirveri nendarama;
Kwakaŋga kusina‐nomumŋe pakati pamarudzi aʋo wakashaiwa simba.
Nyika yeEgipita yakafara pakubva kwaʋo,
Nokuti ʋakaŋga ʋaɓatwa nokutya nokuɗa kwaʋo.
Wakatatanura gore rikaʋa cifukidzo;
Nomŋoto kuzovenekera ʋusiku.
Ʋakakumbira, akaʋuyisa ɀihuta,
Akaʋagutisa neciŋgwa cakabva kuɗeŋga.
Wakazarura ɗombo, mvura zhinji ikadzutuka;
Ikayerera pakaŋga pakawoma sorwizi.
Nokuti wakaraŋgarira shoko rake dɀene,
NaAbrahama muranda wake.
Akaɓuɗisa ʋanhu ʋake nomufaro,
Naʋasanaŋgurwa ʋake ʋaciimba.
Akaʋapa nyika dzaʋahedeni;
Ʋakaɀitorera ɀakaŋga ɀaɓatwa nendudzi dzaʋanhu;
Kuti ʋaceŋgete ɀaakatema,
Nokuterera mirairo yake.
Hareruya.