Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 104:1-23

Mapisarema 104:1-23 BDSC

Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo. Iye anozviputira muchiedza seanozviputira nenguo; anotatamura matenga kunge tende uye anogadzika matanda edzimba dzake dzapamusoro pamusoro pemvura yadzo zhinji. Anoita makore ngoro dzake, uye anokwira pamapapiro emhepo. Anoita mhepo nhume dzake, namazhenje omoto varanda vake. Akamisa nyika pamusoro penheyo dzayo; haingatongozungunuswi. Makaifukidza nokwakadzika somunofukidza nenguo; mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo. Asi pakutsiura kwenyu mvura zhinji yakatiza, pakunzwa kutinhira wenyu yakatiza; yakayerera napamusoro pamakomo, ikadzika nomumipata, ichienda kunzvimbo yamakairayira. Makatara muganhu waisingadariki; haichazombofukidzizve nyika. Anoita kuti matsime adire mvura mumipata; inoyerera napakati pamakomo. Anonwisa mhuka dzose dzesango mvura; mbizi dzinopedza nyota yadzo. Shiri dzedenga dzinovaka matendere adzo pedyo nemvura; dzinorira dziri pakati pamatavi. Anodiridza makomo ari padzimba dzake dzapamusoro; nyika inogutswa nezvibereko zvebasa rake. Anomeresa uswa hwemombe, nembeu kuti vanhu vasakure, achibudisa zvokudya kubva pasi: iyo waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anopenyesa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo wake. Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka, iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima. Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo; dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini. Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira. Mwedzi unotara nguva, uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro. Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima. Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari. Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo. Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana.