Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 104:1-23

Mapisarema 104:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo. Iye anozviputira muchiedza seanozviputira nenguo; anotatamura matenga kunge tende uye anogadzika matanda edzimba dzake dzapamusoro pamusoro pemvura yadzo zhinji. Anoita makore ngoro dzake, uye anokwira pamapapiro emhepo. Anoita mhepo nhume dzake, namazhenje omoto varanda vake. Akamisa nyika pamusoro penheyo dzayo; haingatongozungunuswi. Makaifukidza nokwakadzika somunofukidza nenguo; mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo. Asi pakutsiura kwenyu mvura zhinji yakatiza, pakunzwa kutinhira wenyu yakatiza; yakayerera napamusoro pamakomo, ikadzika nomumipata, ichienda kunzvimbo yamakairayira. Makatara muganhu waisingadariki; haichazombofukidzizve nyika. Anoita kuti matsime adire mvura mumipata; inoyerera napakati pamakomo. Anonwisa mhuka dzose dzesango mvura; mbizi dzinopedza nyota yadzo. Shiri dzedenga dzinovaka matendere adzo pedyo nemvura; dzinorira dziri pakati pamatavi. Anodiridza makomo ari padzimba dzake dzapamusoro; nyika inogutswa nezvibereko zvebasa rake. Anomeresa uswa hwemombe, nembeu kuti vanhu vasakure, achibudisa zvokudya kubva pasi: iyo waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anopenyesa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo wake. Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka, iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima. Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo; dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini. Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira. Mwedzi unotara nguva, uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro. Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima. Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari. Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo. Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana.

Mapisarema 104:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Rumbidza Jehovha, mweya wangu! Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; Makafukidzwa nokukudzwa noumambo. Imi munozvifukidza nechiedza sechisimiro; Munotatamura kudenga-denga somucheka wetende; Ndiye anoteya matanda edzimba dzake mumvura; Anoita makore ngoro yake; Anofamba pamusoro pamapapiro emhepo; Anoita mhepo nhume dzake; Nomoto, unopfuta, vashumiri vake; Akateya nheyo dzapasi; Kuti parege kuzununguswa nokusingaperi. Makapafukidza nemvura yakadzika sechisimiro; Mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo, Makati muchituka ikatiza; Izwi rokutinhira kwenyu rakati richinzwika, ikachimbidzika kuenda. Makomo akakwira, mipata yakaderera; Ikaenda kunzvimbo yamakaigadzirira, Makaitarira muganho, kuti irege kudarika; Kuti irege kudzoka kuzofukidza pasizve. Anotuma matsime mumipata; Mvura inoyerera napakati pamakomo; Anonwisa mhuka dzose dzesango; Mbizi dzinopedza nyota yadzo. Shiri dzokudenga dzinogara paari, Dzinorira pakati pamatavi. Anodiridza makomo ari padzimba dzake; Pasi panogutiswa nechibereko chamabasa enyu. Anomeresa uswa hwezvipfuwo, Nemiriwo, inobatsira vanhu; Kuti abudise zvokudya pasi; Newaini inofadza mwoyo womunhu, Namafuta anobwinyisa chiso chake, Nechingwa chinosimbisa mwoyo womunhu. Miti yaJehovha inoguta; Iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima; Apo panovaka shiri matendere adzo, Kana riri zimudo, miti yemisipiresi ndiyo imba yaro. Makomo marefu ndeetsoma; Matombo ndihwo utiziro hwembira. Akatara mwedzi kuti uratidze nguva; Zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro. Munoita rima, usiku ndokuvapo; Panguva iyo mhuka dzose dzedondo dzinobuda. Vana veshumba vanoomba vachitsvaka zvavangauraya, Vanotsvaka zvokudya zvavo kuna Mwari. Kana zuva richibuda, dzinoenda hadzo, Dzichindovata mumapako adzo. Zvino munhu obudira kubasa rake. Nokumurimo wake kusvikira madekwana.

Mapisarema 104:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Rumbidza TENZI mweya wangu TENZI Mwari wangu muri mukuru kwazvo, makapfeka chiremera nembiri. Imi munozvifukidza nechiedza sehanzu, imi makatambanudza denga setendhe. Imi makamisa mbiru dzedzimba dzenyu pamvura, munoita makore ngoro dzenyu dzehondo, munofamba muri pamapapiro emhepo. Munoita kuti mhepo dzive nhumwa dzenyu muchiita moto namarimi vashandiri venyu. Makamisa nyika paugaro hwayo kuti irege kumbozunguzwa. Makaifukidza nemvura yakadzika sehanzu mvura yaifukidza makomo zvokutoapfuurira. Pamakaitsiura, mvura yakabva yatiza, payakangonzwa kutinhira kwenyu yakatiza. Yakayerera pamusoro pamakomo ichienda mumapani kunzvimbo yamakaitemera. Makaimisira miganhu yaisingafaniri kupfuura kuti irege kufukidzazve nyika. Makaita kuti zvisipiti zvitubuke mumapani, mvura ichiyerera pakati pamakomo. Zvinopa mvura yokunwa kumhuka dzose dzesango, mbizi dzichitopedzawo nyota yadzo. Shiri dzinoita matendere adzo munyasi mayo, dzinoimba mumapazi. Munodiridza makomo muri kumusoro kwamunogara. Nyika inogutswa nemichero yebasa renyu. Munokudzira mombe uswa uye mbeu dzokuti munhu arime kuitira kuti aburitse zvokudya muvhu newaini yokufadza nayo mwoyo womunhu namafuta okuti apenyese uso hwake nawo nechingwa chokusimbisa mwoyo womunhu nacho. Miti yaTENZI inodiridzwa zvikuru; miti yemisidhari yeRebhanoni yaakasima. Mairi, shiri dzinovaka matendere adzo shuramurove mumasaipurasi ndimo mumusha maro. Makomo marefu ndeembudzi dzomusango mumatombo ndimo munovanda mbira. Makaita mwedzi kuti utare mwaka; zuva rinoziva nguva yokudoka. Munoita kuti kuite rima huchibva hwava usiku. Mhuka dzose dzesango ndipo padzinobva dzabuda. Shumba dzechidiki dzinodzvovera chokudya dzichitsvaka chokudya chadzo kuna Mwari. Kana zuva rabuda dzinobva dzondorara munzvimbo yadzo. Munhu anobudawo achienda kubasa rake, kumushando wake kusvikira manheru.

Mapisarema 104:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Rumbidza Jehova, mŋeya waŋgu! Jehova Mŋari waŋgu, muri mukuru kwaɀo; Makafukidzwa nokukudzwa noʋumambo. Imi munoɀifukidza neciedza secisimiro; Munotatamura kuɗeŋga‐ɗeŋga somuceka wetente; Ndiye unoteya matanda edzimba dzake mumvura; Unoita makore ŋgoro yake; Unofamba pamsoro pamapapiro emhepo; Unoita mhepo nhume dzake; Nomŋoto, unopfuta, ʋashumiri ʋake; Wakateya nheyo dzapasi; Kuti parege kuzunuŋguswa nokusiŋgaperi, Makapafukidza nemvura yakadzika secisimiro; Mvura zhinji yakamira pamsoro pamakomo, Makati mucituka ikatiza; Inzwi rokutinhira kwenyu rakati ricinzwika, ikacimbidzika kuenda. Makomo akakwira, mipata yakaɗerera; Ikaenda kunɀimbo yamakaigadzirira, Makaitarira muganho, kuti irege kuɗarika; Kuti irege kudzoka kuzofukidza pasi ɀe. Unotuma matsime mumipata; Mvura inoyerera napakati pamakomo; Anonwisa mhuka dzose dzesaŋgo; Mbizi dzinopedza nyota yadzo. Shiri dzokuɗeŋga dzinogara paari, Dzinorira pakati pamataʋi. Unoɗiridza makomo ari padzimba dzake; Pasi panogutiswa neciɓereko camaɓasa enyu. Unomeresa ʋuswa bgeɀipfuwo, Nemiriʋo, inoɓatsira ʋanhu; Kuti aɓuɗise ɀokudya pasi; Newaini inofadza mŋoyo womunhu, Namafuta anobginyisa ciso cake, Neciŋgwa cinosimbisa mŋoyo womunhu. Miti yaJehova inoguta; Iyo misidari yeRebanoni yaakasima; Apo panoʋaka shiri matendere adzo: Kana riri zimudo, miti yemisipresi ndiyo imba yaro. Makomo marefu ndeetsoma; Matombo ndibgo ʋutiziro bgembira. Wakatara mŋedzi kuti uratidze ŋguʋa; Zuʋa rinoziʋa ŋguʋa yokuʋira kwaro. Munoita rima, ʋusiku ndokuʋa’po; Paŋguʋa iyo mhuka dzose dzeɗondo dzinoɓuɗa. Ʋana ʋeshumba ʋanoʋomba ʋacitȿaka ɀaʋaŋgaʋuraya, Ʋanotȿaka ɀokudya ɀaʋo kunaMŋari. Kana zuʋa riciɓuɗa, dzinoenda hadzo, Dzicindoʋata mumapako adzo. Ɀino munhu woɓuɗira kuɓasa rake. Nokumurimo wake kuȿikira maɗekwana.

Mapisarema 104:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)