Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 104:1-23

Nziyo 104:1-23 SCLB

Rumbidza TENZI mweya wangu TENZI Mwari wangu muri mukuru kwazvo, makapfeka chiremera nembiri. Imi munozvifukidza nechiedza sehanzu, imi makatambanudza denga setendhe. Imi makamisa mbiru dzedzimba dzenyu pamvura, munoita makore ngoro dzenyu dzehondo, munofamba muri pamapapiro emhepo. Munoita kuti mhepo dzive nhumwa dzenyu muchiita moto namarimi vashandiri venyu. Makamisa nyika paugaro hwayo kuti irege kumbozunguzwa. Makaifukidza nemvura yakadzika sehanzu mvura yaifukidza makomo zvokutoapfuurira. Pamakaitsiura, mvura yakabva yatiza, payakangonzwa kutinhira kwenyu yakatiza. Yakayerera pamusoro pamakomo ichienda mumapani kunzvimbo yamakaitemera. Makaimisira miganhu yaisingafaniri kupfuura kuti irege kufukidzazve nyika. Makaita kuti zvisipiti zvitubuke mumapani, mvura ichiyerera pakati pamakomo. Zvinopa mvura yokunwa kumhuka dzose dzesango, mbizi dzichitopedzawo nyota yadzo. Shiri dzinoita matendere adzo munyasi mayo, dzinoimba mumapazi. Munodiridza makomo muri kumusoro kwamunogara. Nyika inogutswa nemichero yebasa renyu. Munokudzira mombe uswa uye mbeu dzokuti munhu arime kuitira kuti aburitse zvokudya muvhu newaini yokufadza nayo mwoyo womunhu namafuta okuti apenyese uso hwake nawo nechingwa chokusimbisa mwoyo womunhu nacho. Miti yaTENZI inodiridzwa zvikuru; miti yemisidhari yeRebhanoni yaakasima. Mairi, shiri dzinovaka matendere adzo shuramurove mumasaipurasi ndimo mumusha maro. Makomo marefu ndeembudzi dzomusango mumatombo ndimo munovanda mbira. Makaita mwedzi kuti utare mwaka; zuva rinoziva nguva yokudoka. Munoita kuti kuite rima huchibva hwava usiku. Mhuka dzose dzesango ndipo padzinobva dzabuda. Shumba dzechidiki dzinodzvovera chokudya dzichitsvaka chokudya chadzo kuna Mwari. Kana zuva rabuda dzinobva dzondorara munzvimbo yadzo. Munhu anobudawo achienda kubasa rake, kumushando wake kusvikira manheru.

Verenga chikamu Nziyo 104