Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 100:1-4

Mapisarema 100:1-4 BDSC

Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose. Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro. Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatisika, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye. Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake.