Shamhu yokuranga inopa uchenjeri, asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake. Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo, asi vakarurama vachaona kuwa kwavo. Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare; achauyisa mufaro kumweya wako. Pasina chizaruro, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro. Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete, nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri. Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye. Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki, achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira. Munhu akashatirwa anomutsa kupesana, uye munhu ane hasha anoita zvivi zvizhinji. Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa. Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake; anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu. Kutya munhu kuchava musungo, asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka. Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi, asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha. Vakarurama vanovenga vasina kutendeka; vakaipa vanovenga vakarurama.
Verenga chikamu Zvirevo 29
Terera ku Zvirevo 29
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 29:15-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo