Zvirevo 29:15-27
Zvirevo 29:15-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shamhu yokuranga inopa uchenjeri, asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake. Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo, asi vakarurama vachaona kuwa kwavo. Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare; achauyisa mufaro kumweya wako. Pasina chizaruro, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro. Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete, nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri. Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye. Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki, achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira. Munhu akashatirwa anomutsa kupesana, uye munhu ane hasha anoita zvivi zvizhinji. Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa. Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake; anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu. Kutya munhu kuchava musungo, asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka. Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi, asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha. Vakarurama vanovenga vasina kutendeka; vakaipa vanovenga vakarurama.

Zvirevo 29:15-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shamhu nokuraira zvinouyisa huchenjeri; Asi mwana wangoregwa hake anonyadzisa mai vake. Kana vakaipa vowanda, kudarika kuwandawo; Asi vakarurama vachaona kuwa kwavo. Rairira mwanakomana wako, agokuzorodza; Zvirokwazvo achafadza mweya wako. Kana Jehovha asingazviratidzi, vanhu vanoramba kudzorwa; Asi anochengeta murayiro, anomufaro. Muranda angaramba kurairirwa namashoko bedzi; Nokuti, kunzwisisa anonzwisisa hake, asi haane hanya nazvo. Unoona munhu unokurumidza kutsamwa? Benzi riri nani kuna iye. Kana munhu achirera muranda wake zvakanaka kubva pahuduku hwake, Pakupedzisira achada kuva mwanakomana. Munhu wakatsamwa anomutsa kukakavara; Munhu ane hasha anokudarika kuzhinji. Kuzvikudza kwomunhu kuchamudukupisa; Asi ano mweya anozvininipisa, achakudzwa. Ani naani anoshamwaridzana nembavha, anovenga mweya wake; Anonzwa kupikwa, asi haareururi chinhu. Kutya munhu kunouyisa musungo; Asi ani naani anovimba naJehovha, achachengetwa. Vazhinji vanotsvaka nyasha yomubati; Asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha. Munhu asakarurama anonyangadza akarurama; Uye akarurama panzira dzake anonyangadza akaipa.
Zvirevo 29:15-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shamhu nokutsiura zvinopa ungwaru asi mwana akaregererwa anonyadzisa amai vake. Kana vakaipa vari ivo vari kutonga kutadza kunowanda, asi vakarurama vachavaona vachiputsika. Dzidzisa mwana wako, iye achakupa zororo achakufadza mwoyo. Kana pasina zviratidzo vanhu inova njake njake; asi akakomborerwa zvake anochengeta mutemo. Muranda haadzoreki namazwi chete kunyange akanzwisisa haamboita hanya nazvo. Ukaona munhu anokurumidza kutaura, benzi rine charinotowana kupinda iye. Munhu akaregerera muranda kubvira pauduku hwake mushure mezvo anomugarira nhaka. Munhu wehasha anomutsa manyongori nyahasha anokonzera kutadza kwakawanda. Kuzvikudza kunoderedza munhu pasi asi munhu anozvirereka, anozokudzwa. Anobatsirana nembavha anovenga upenyu hwake anonzwa zvake kurengererwa rushambwa kunoitwa mudare asi hapana chaanodura Kuzeza vanhu iriva asi anovimba naTenzi hapana chinomuwana. Vazhinji vanotsvaka chizivano nomutongi asi anotonga zvine ruenzaniso ndiTenzi. Munhu asina ruenzaniso anosemesa kuvarurami asi ari pachokwadi anosemesawo kumuipi.
Zvirevo 29:15-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shamhu nokuraira ɀinoʋuyisa ʋucenjeri; Asi mŋana waŋgoregwa hake unonyadzisa mai ʋake. Kana ʋakaipa ʋowanda, kuɗarika kwowanda ʋo; Asi ʋakarurama ʋacaʋona kuwa kwaʋo. Rairira mŋanakomana wako, agokuzorodza; Ɀirokwaɀo ucafadza mŋeya wako. Kana Jehova asiŋgaɀiratidzi, ʋanhu ʋanoramba kudzorwa; Asi unoceŋgeta murairo, unomufaro. Muranda uŋgaramba kurairirwa namashoko ɓedzi: Nokuti, kunzwisisa unonzwisisa hake, asi haanehanya naɀo. Unoʋona munhu unokurumidza kutsamŋa? Ƃenzi riri nani kunaiye. Kana munhu acirera muranda wake ɀakanaka kubva paʋuɗuku bgake, Pakupedzisira ucaɗa kuʋa mŋanakomana. Munhu wakatsamŋa unomutsa kukakaʋara; Munhu unehasha unokuɗarika kuzhinji. Kuɀikudza kwomunhu kucamuɗukupisa; Asi unomŋeya unoɀininipisa, ucakudzwa. Aninani unoshamŋaridzana nembava, unoʋeŋga mŋeya wake; Unonzwa kupikwa, asi haareʋururi cinhu. Kutya munhu kunoʋuyisa musuŋgo; Asi aninani unoʋimba naJehova, ucaceŋgetwa. Ʋazhinji ʋanotȿaka nyasha yomuɓati; Asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kunaJehova. Munhu usakarurama unonyaŋgadza wakarurama; Ʋuye wakarurama panzira dzake unonyaŋgadza wakaipa.
Zvirevo 29:15-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)