Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 29:15-27

Tsumo 29:15-27 SCLB

Shamhu nokutsiura zvinopa ungwaru asi mwana akaregererwa anonyadzisa amai vake. Kana vakaipa vari ivo vari kutonga kutadza kunowanda, asi vakarurama vachavaona vachiputsika. Dzidzisa mwana wako, iye achakupa zororo achakufadza mwoyo. Kana pasina zviratidzo vanhu inova njake njake; asi akakomborerwa zvake anochengeta mutemo. Muranda haadzoreki namazwi chete kunyange akanzwisisa haamboita hanya nazvo. Ukaona munhu anokurumidza kutaura, benzi rine charinotowana kupinda iye. Munhu akaregerera muranda kubvira pauduku hwake mushure mezvo anomugarira nhaka. Munhu wehasha anomutsa manyongori nyahasha anokonzera kutadza kwakawanda. Kuzvikudza kunoderedza munhu pasi asi munhu anozvirereka, anozokudzwa. Anobatsirana nembavha anovenga upenyu hwake anonzwa zvake kurengererwa rushambwa kunoitwa mudare asi hapana chaanodura Kuzeza vanhu iriva asi anovimba naTenzi hapana chinomuwana. Vazhinji vanotsvaka chizivano nomutongi asi anotonga zvine ruenzaniso ndiTenzi. Munhu asina ruenzaniso anosemesa kuvarurami asi ari pachokwadi anosemesawo kumuipi.

Verenga chikamu Tsumo 29