Usachiva vanhu vakaipa,
usashuva kufamba navo;
nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba,
uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga.
Nouchenjeri imba inovakwa,
uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa;
kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu
zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.
Munhu akachenjera ane simba guru,
uye munhu ane zivo anowedzera simba;
nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa,
uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.
Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi;
padare repasuo reguta harina chokutaura.
Uyo anoronga kuita zvakaipa
achazivikanwa senhubu.
Mufungo woupenzi chivi,
uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki.
Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika,
simba rako ishoma sei!
Nunurai avo vari kuiswa kurufu;
dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa.
Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?”
Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here?
Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here?
Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?
Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka;
uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.
Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako;
kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro,
uye tariro yako haingaparari.
Usavandira sezvinoita akaipa paimba yomunhu akarurama,
usaparadza paanogara;
nokuti kunyange munhu akarurama achiwa runomwe, anosimukazve,
asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.
Usafara kana muvengi wako achiwa;
paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,
kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo
uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.
Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa,
kana kuchiva vakaipa,
nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana,
uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.
Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu,
usabatana navanopanduka,
nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza,
uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa?