Zvirevo 24:1-22
Zvirevo 24:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Usachiva vanhu vakaipa, usashuva kufamba navo; nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba, uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga. Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa; kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha. Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba; nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura. Uyo anoronga kuita zvakaipa achazivikanwa senhubu. Mufungo woupenzi chivi, uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki. Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei! Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa. Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here? Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi. Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako; kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparari. Usavandira sezvinoita akaipa paimba yomunhu akarurama, usaparadza paanogara; nokuti kunyange munhu akarurama achiwa runomwe, anosimukazve, asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi. Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara, kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari. Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa, kana kuchiva vakaipa, nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana, uye mwenje wavakaipa uchadzimwa. Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu, usabatana navanopanduka, nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza, uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa?
Zvirevo 24:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Usagodora vanhu vakaipa; Usashuva kuva pakati pavo. Nokuti mwoyo yavo inorangarira kuparadza; Nemiromo yavo inotaura zvakashata. Imba inovakwa nouchenjeri; Inosimbiswa nenjere. Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nepfuma yose inokosha inofadza. Munhu akachenjera ane simba; Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba. Nokuti anofanira kurwa pfumo amborairirwa nouchenjeri; Asi kuna varairiri vazhinji ndiko kune ruponeso. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; Harishamisi muromo waro padare. Anorangarira kuita zvakaipa, Achanzi navanhu mwene wezvakashata. Mufungo woupenzi zvivi; Mudadi anonyangadza vanhu. Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, Simba rako ishoma. Rwira vanoiswa kurufu; Novourawa usarega kuvadzosa. Kana ukati, “Tarirai, hatina kuzviziva;” Ko iye anoidza mwoyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangapi mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here? Mwanakomana wangu, idya uchi, nokuti hwakanaka; Nomusvi unozipa pamukanwa wako. Uchaona kuti ndizvo zvichaita uchenjeri kumweya wako; Kana wahuwana, mubayiro uchavapo, Nezvakatarira hazvingaparadzwi. Iwe munhu akaipa, usavandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora. Nokuti munhu akarurama angawa kanomwe, achisimukazve; Asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi. Usafarisisa kana muvengi wako achiwa; Kana achiwisirwa pasi, mwoyo wako ngaurege kufara. Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza, Akazodzora kutsamwa kwake kwaari. Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa; Uye usagodora vakaipa. Nokuti munhu akaipa haana mubayiro; Mwenje wakaipa uchadzimwa. Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; Usafambidzana navanongosishanduka. Nokuti nhamo yavo ichamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore avo, ndiani achazviziva?
Zvirevo 24:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usaitire shanje vanhu vakaipa kana kuda kushamwaridzana navo, nokuti mwoyo yavo inofunga zvoutsinye miromo yavo inotaura zvoumharadzi. Musha unovakwa noungwaru asi kunzwisisa ndiko kunomisa musha. Zvakakosha uye zvakanaka zvinozara mudzimba dzawo zvinobva kuruzivo. Mungwaru anokunda munhu ane simba uye munhu ano ruzivo anokunda ana masimba. Kuronga ndiko kunopa vanhu kukunda muhondo kukunda kunobva mukunyatsoronga. Kubenzi, ungwaru huri pamusorosoro padare harimboti muromo bufu. Munhu anoronga kuita zvakaipa anozonzi womusikanzwa. Kuronga kuita zvakaipa, chitadzo mushori anosemesa kuvanhu. Ukaora mwoyo pamusi wenhamo simba rako rinobva raita shoma. Nunura vanenge vachindundurutsirwa kurufu umise vanenge vachidzadzarikira kundourayiwa. Kana ukati, “Hatina kumbozviziva.” Ko iye anoona mwoyo haazvione here? Ko iye anokuchengeta haazvizivi here? Haape mumwe nomumwe maererano nezviito zvake here? Mwanangu idya uchi nokuti hwakanaka musvi weuchi unotapira kuhudya. Ziva kuti ungwaru hwakaita sei kwauri, ukahuhwana une upenyu mune ramangwana chitarisiro chako hachiparare. Usavandire pamba pomururami sezvinoita muipi usaparadze musha wake nokuti akarurama anoputsika kanomwe achimukazve asi akaipa anokundwa nenhamo. Usati Tsvatuwaro kana muvengi wako awira munhamo mwoyo wako ngaurege kufara kana adzadzarika. Tenzi angadaro akazviona akatsamwa nazvo akadzora hasha dzake kwaari. Usazvinetse nezvevaiti vezvakaipa uye usaitire vakaipa shanje. Muipi haana upenyu muneramangwana, mwenje wavaipi uchadzimwa. Mwanangu itya Tenzi namambo usaite rimwe navapanduki nokuti vachawirwa nejambwa nenguva isipi richibva kuna vose vari vaviri.
Zvirevo 24:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Usagoɗora ʋanhu ʋakaipa; Usashuʋa kuʋa pakati paʋo. Nokuti mŋoyo yaʋo inoraŋgarira kuparadza; Nemiromo yaʋo inotaura ɀakashata. Imba inoʋakwa noʋucenjeri; Inosimbiswa nenjere. Neziʋo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nefuma yose inokosha inofadza. Munhu wakacenjera unesimba; Ɀirokwaɀo, munhu weziʋo unowedzera simba. Nokuti unofanira kurwa pfumo wamborairirwa noʋucenjeri; Asi kunaʋarairiri ʋazhinji ndiko kunoruponeso. Ʋucenjeri haʋuȿikirwi neɓenzi; Harishamisi muromo waro paɗare. Unoraŋgarira kuita ɀakaipa, Ucanzi naʋanhu mŋene weɀakashata. Mufuŋgo woʋupenzi ɀiʋi; Muɗaɗi unonyaŋgadza ʋanhu. Kana ukapera simba nezuʋa rokutambudzika, Simba rako ishoma. Rwira ʋanoiswa kurufu; Noʋoʋurawa usarega kuʋadzosa. Kana ukati: Tarirai, hatina‐kuɀiziʋa; Ko iye unoidza mŋoyo, haaɀiʋoni here? Naiye unoceŋgeta mŋeya wako, haaɀiziʋi here? Ko iye haaŋgapi mumŋe nomumŋe seɀaakaɓata here? Mŋanakomana waŋgu, idya ʋuci, nokuti bgakanaka; Nomuȿi, unozipa, pamukanwa wako. Ucaʋona kuti ndiɀo ɀicaita ʋucenjeri kumŋeya wako; Kana waʋuwana, muɓairo ucaʋa’po, Neɀawakatarira haɀiŋgaparadzwi. Iwe munhu wakaipa, usaʋandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora. Nokuti munhu wakarurama uŋgawa kanomŋe, acisimuka ɀe; Asi ʋakaipa ʋanowisirwa pasi nenjodzi. Usafarisisa kana muʋeŋgi wako aciwa; Kana aciwisirwa pasi mŋoyo wako ŋgaurege kufara. Kuti Jehova arege kuɀiʋona, ɀikasamufadza, Akazodzora kutsamŋa kwake kwaari. Usatsamŋa nokuɗa kwaʋaiti ʋeɀakaipa; Ʋuye usagoɗora ʋakaipa. Nokuti munhu wakaipa haanamuɓairo; Mŋenje wowakaipa ucadzimŋa. Mŋanakomana waŋgu, itya Jehova namambo; Usafambidzana naʋanoŋgosishanduka. Nokuti nhamo yaʋo icamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore aʋo, ndiani ucaɀiziʋa?
Zvirevo 24:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)