Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 24:1-22

Ɀireʋo 24:1-22 SUB1949

Usagoɗora ʋanhu ʋakaipa; Usashuʋa kuʋa pakati paʋo. Nokuti mŋoyo yaʋo inoraŋgarira kuparadza; Nemiromo yaʋo inotaura ɀakashata. Imba inoʋakwa noʋucenjeri; Inosimbiswa nenjere. Neziʋo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nefuma yose inokosha inofadza. Munhu wakacenjera unesimba; Ɀirokwaɀo, munhu weziʋo unowedzera simba. Nokuti unofanira kurwa pfumo wamborairirwa noʋucenjeri; Asi kunaʋarairiri ʋazhinji ndiko kunoruponeso. Ʋucenjeri haʋuȿikirwi neɓenzi; Harishamisi muromo waro paɗare. Unoraŋgarira kuita ɀakaipa, Ucanzi naʋanhu mŋene weɀakashata. Mufuŋgo woʋupenzi ɀiʋi; Muɗaɗi unonyaŋgadza ʋanhu. Kana ukapera simba nezuʋa rokutambudzika, Simba rako ishoma. Rwira ʋanoiswa kurufu; Noʋoʋurawa usarega kuʋadzosa. Kana ukati: Tarirai, hatina‐kuɀiziʋa; Ko iye unoidza mŋoyo, haaɀiʋoni here? Naiye unoceŋgeta mŋeya wako, haaɀiziʋi here? Ko iye haaŋgapi mumŋe nomumŋe seɀaakaɓata here? Mŋanakomana waŋgu, idya ʋuci, nokuti bgakanaka; Nomuȿi, unozipa, pamukanwa wako. Ucaʋona kuti ndiɀo ɀicaita ʋucenjeri kumŋeya wako; Kana waʋuwana, muɓairo ucaʋa’po, Neɀawakatarira haɀiŋgaparadzwi. Iwe munhu wakaipa, usaʋandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora. Nokuti munhu wakarurama uŋgawa kanomŋe, acisimuka ɀe; Asi ʋakaipa ʋanowisirwa pasi nenjodzi. Usafarisisa kana muʋeŋgi wako aciwa; Kana aciwisirwa pasi mŋoyo wako ŋgaurege kufara. Kuti Jehova arege kuɀiʋona, ɀikasamufadza, Akazodzora kutsamŋa kwake kwaari. Usatsamŋa nokuɗa kwaʋaiti ʋeɀakaipa; Ʋuye usagoɗora ʋakaipa. Nokuti munhu wakaipa haanamuɓairo; Mŋenje wowakaipa ucadzimŋa. Mŋanakomana waŋgu, itya Jehova namambo; Usafambidzana naʋanoŋgosishanduka. Nokuti nhamo yaʋo icamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore aʋo, ndiani ucaɀiziʋa?