Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 24:1-22

Zvirevo 24:1-22 SNA2002

Usagodora vanhu vakaipa; Usashuva kuva pakati pavo. Nokuti mwoyo yavo inorangarira kuparadza; Nemiromo yavo inotaura zvakashata. Imba inovakwa nouchenjeri; Inosimbiswa nenjere. Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nepfuma yose inokosha inofadza. Munhu akachenjera ane simba; Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba. Nokuti anofanira kurwa pfumo amborairirwa nouchenjeri; Asi kuna varairiri vazhinji ndiko kune ruponeso. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; Harishamisi muromo waro padare. Anorangarira kuita zvakaipa, Achanzi navanhu mwene wezvakashata. Mufungo woupenzi zvivi; Mudadi anonyangadza vanhu. Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, Simba rako ishoma. Rwira vanoiswa kurufu; Novourawa usarega kuvadzosa. Kana ukati, “Tarirai, hatina kuzviziva;” Ko iye anoidza mwoyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangapi mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here? Mwanakomana wangu, idya uchi, nokuti hwakanaka; Nomusvi unozipa pamukanwa wako. Uchaona kuti ndizvo zvichaita uchenjeri kumweya wako; Kana wahuwana, mubayiro uchavapo, Nezvakatarira hazvingaparadzwi. Iwe munhu akaipa, usavandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora. Nokuti munhu akarurama angawa kanomwe, achisimukazve; Asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi. Usafarisisa kana muvengi wako achiwa; Kana achiwisirwa pasi, mwoyo wako ngaurege kufara. Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza, Akazodzora kutsamwa kwake kwaari. Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa; Uye usagodora vakaipa. Nokuti munhu akaipa haana mubayiro; Mwenje wakaipa uchadzimwa. Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; Usafambidzana navanongosishanduka. Nokuti nhamo yavo ichamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore avo, ndiani achazviziva?

Verenga chikamu Zvirevo 24