Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 24:1-22

Tsumo 24:1-22 SCLB

Usaitire shanje vanhu vakaipa kana kuda kushamwaridzana navo, nokuti mwoyo yavo inofunga zvoutsinye miromo yavo inotaura zvoumharadzi. Musha unovakwa noungwaru asi kunzwisisa ndiko kunomisa musha. Zvakakosha uye zvakanaka zvinozara mudzimba dzawo zvinobva kuruzivo. Mungwaru anokunda munhu ane simba uye munhu ano ruzivo anokunda ana masimba. Kuronga ndiko kunopa vanhu kukunda muhondo kukunda kunobva mukunyatsoronga. Kubenzi, ungwaru huri pamusorosoro padare harimboti muromo bufu. Munhu anoronga kuita zvakaipa anozonzi womusikanzwa. Kuronga kuita zvakaipa, chitadzo mushori anosemesa kuvanhu. Ukaora mwoyo pamusi wenhamo simba rako rinobva raita shoma. Nunura vanenge vachindundurutsirwa kurufu umise vanenge vachidzadzarikira kundourayiwa. Kana ukati, “Hatina kumbozviziva.” Ko iye anoona mwoyo haazvione here? Ko iye anokuchengeta haazvizivi here? Haape mumwe nomumwe maererano nezviito zvake here? Mwanangu idya uchi nokuti hwakanaka musvi weuchi unotapira kuhudya. Ziva kuti ungwaru hwakaita sei kwauri, ukahuhwana une upenyu mune ramangwana chitarisiro chako hachiparare. Usavandire pamba pomururami sezvinoita muipi usaparadze musha wake nokuti akarurama anoputsika kanomwe achimukazve asi akaipa anokundwa nenhamo. Usati Tsvatuwaro kana muvengi wako awira munhamo mwoyo wako ngaurege kufara kana adzadzarika. Tenzi angadaro akazviona akatsamwa nazvo akadzora hasha dzake kwaari. Usazvinetse nezvevaiti vezvakaipa uye usaitire vakaipa shanje. Muipi haana upenyu muneramangwana, mwenje wavaipi uchadzimwa. Mwanangu itya Tenzi namambo usaite rimwe navapanduki nokuti vachawirwa nejambwa nenguva isipi richibva kuna vose vari vaviri.

Verenga chikamu Tsumo 24