Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 21:17-31

Zvirevo 21:17-31 BDSC

Uyo anofarira mafaro achava murombo; ani naani anofarira waini namafuta haazombopfumi. Akaipa achava dzikinuro yavakarurama, uye vasina kutendeka vachava dzikinuro yaakatendeka. Zviri nani kugara mugwenga, pano kugara nomudzimai anokakavara uye ane hasha. Mumba mowakachenjera mune zvokudya zvakaisvonaka zvakawanda namafuta, asi benzi rinodya zvose zvarinazvo. Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu, nokubudirira norukudzo. Munhu akachenjera anorwisa guta ravane simba agoputsa nhare dzaro dzavanovimba nadzo. Uyo anorinda muromo wake norurimi rwake anozvidzivirira kubva panjodzi. Munhu anozvikudza uye ana manyawi “Mudadi” ndiro zita rake; anoita zvinhu namanyawi uye nokuzvikudza. Kushuva kwesimbe kunova rufu rwake, nokuti maoko ake anoramba kushanda. Muswere wose wezuva anoramba achida zvimwe, asi akarurama anopa asinganyimi. Chibayiro chowakaipa chinonyangadza, zvikuru sei kana akauya nacho nomufungo wakaipa! Chapupu chenhema chichaparara, uye ani naani anoteerera kwaari achaparadzwa nokusingaperi. Munhu akaipa ane chiso chisinganyari, asi munhu akarurama anofunga pamusoro penzira dzake. Hapana uchenjeri kana njere kana urongwa hungabudirira huchipikisana naJehovha. Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, asi kukunda kunobva kuna Jehovha.