Munhu anoda zvokunakirwa anova murombo, munhu anoda waini namafuta haambopfuma. Muipi ndiye achava chokununurisa mururami vasingatendi muna Mwari vachava chokununurisa vari pachokwadi. Zviri nani kugara mugwenga pano kugara nomukadzi anenharo uye ane muromo. Pfuma inokosha namafuta zvinowanika mumba momungwaru asi benzi romunhu rinozviparadza. Munhu anoramba achiita zvakarurama nemwoyochena achawana upenyu, noururami nokukudzwa. Mungwaru anogona kukwira paguta ravarwi vakasimba agowisira pasi guta rokuzvidzivirira muhondo ravaivimba naro. Munhu anobata muromo wake uye anochengetedza rurimi rwake anonzvenga nhamo. Mushori ndiro zita romunhu anozvikudza anozvitutumadza anoita zvehasha achizvikudza. Munhu ano usimbe, chinomuuraya ishungu nokuti maoko ake haadi kushanda. Muipi anoswera muswere wose achingodokwaira zvokudokwaira zviye asi mururami anopa asingaiti kanyimiramundiro. Chibayiro chavaipi chinosemesa, ko kutozoti kana zvaanochiunzira zviri zvakaipa. Chapupu chenhema chinoparara asi chapupu chakazvinzwa chinoramba chichiteererwa Munhu wakaipa ane chiso chisinganyari asi akarurama akatsiga mukuita kwake. Hakuna ungwaru kana njere kana mazano zvingamirisane naTenzi. Bhiza ringadziirirwa zvaro zuva rehondo asi anonunura muhondo ndiTenzi.
Verenga chikamu Tsumo 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 21:17-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo