Zvirevo 21:17-31
Zvirevo 21:17-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyo anofarira mafaro achava murombo; ani naani anofarira waini namafuta haazombopfumi. Akaipa achava dzikinuro yavakarurama, uye vasina kutendeka vachava dzikinuro yaakatendeka. Zviri nani kugara mugwenga, pano kugara nomudzimai anokakavara uye ane hasha. Mumba mowakachenjera mune zvokudya zvakaisvonaka zvakawanda namafuta, asi benzi rinodya zvose zvarinazvo. Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu, nokubudirira norukudzo. Munhu akachenjera anorwisa guta ravane simba agoputsa nhare dzaro dzavanovimba nadzo. Uyo anorinda muromo wake norurimi rwake anozvidzivirira kubva panjodzi. Munhu anozvikudza uye ana manyawi “Mudadi” ndiro zita rake; anoita zvinhu namanyawi uye nokuzvikudza. Kushuva kwesimbe kunova rufu rwake, nokuti maoko ake anoramba kushanda. Muswere wose wezuva anoramba achida zvimwe, asi akarurama anopa asinganyimi. Chibayiro chowakaipa chinonyangadza, zvikuru sei kana akauya nacho nomufungo wakaipa! Chapupu chenhema chichaparara, uye ani naani anoteerera kwaari achaparadzwa nokusingaperi. Munhu akaipa ane chiso chisinganyari, asi munhu akarurama anofunga pamusoro penzira dzake. Hapana uchenjeri kana njere kana urongwa hungabudirira huchipikisana naJehovha. Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, asi kukunda kunobva kuna Jehovha.
Zvirevo 21:17-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Anofarira zvinofadza, achava murombo; Anofarira waini namafuta haangapfumi. Akaipa idzikunuro yowakarurama; Anoita nokunyengedzera anopinda panzvimbo yowakarurama. Zviri nani kugara murenje, Pakugara nomukadzi anokakavara noanonetsa. Mumba mowakachenjera mune pfuma inokosha namafuta, Asi benzi rinozvipedza. Munhu, anotsvaka kururama nounyoro, Anowana upenyu, nokururama, nokukudzwa. Munhu akachenjera anokwira muguta ravane simba, Achiwisira pasi nhare yavanovimba nayo. Ani naani anochengeta muromo wake norurimi rwake, Anochengeta mweya wake pamadambudziko. Munhu, anozvikudza ana manyawi, mudadi ndiro zita rake; Anoita namanyawi okuzvikudza kwake. Kuda kwoane usimbe kunomuuraya; Nokuti maoko ake anoramba kubata basa. Zuva rose anoramba achingochiva; Asi akarurama anopa asingarambi. Chibayiro chowakaipa chinonyangadza; Ndoda kana achiuya nazvo kuyananisira zvakaipa. Chapupu chenhema chichaparadzwa; Asi munhu unoteerera, acharamba achitaura. Munhu akaipa ane chiso chisinganyari; Asi kana ari akarurama anogadzira nzira dzake. Hakuna uchenjeri, kana njere, Hakuna mano angakunda Jehovha. Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, Asi kukunda kunobva kuna Jehovha.
Zvirevo 21:17-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anoda zvokunakirwa anova murombo, munhu anoda waini namafuta haambopfuma. Muipi ndiye achava chokununurisa mururami vasingatendi muna Mwari vachava chokununurisa vari pachokwadi. Zviri nani kugara mugwenga pano kugara nomukadzi anenharo uye ane muromo. Pfuma inokosha namafuta zvinowanika mumba momungwaru asi benzi romunhu rinozviparadza. Munhu anoramba achiita zvakarurama nemwoyochena achawana upenyu, noururami nokukudzwa. Mungwaru anogona kukwira paguta ravarwi vakasimba agowisira pasi guta rokuzvidzivirira muhondo ravaivimba naro. Munhu anobata muromo wake uye anochengetedza rurimi rwake anonzvenga nhamo. Mushori ndiro zita romunhu anozvikudza anozvitutumadza anoita zvehasha achizvikudza. Munhu ano usimbe, chinomuuraya ishungu nokuti maoko ake haadi kushanda. Muipi anoswera muswere wose achingodokwaira zvokudokwaira zviye asi mururami anopa asingaiti kanyimiramundiro. Chibayiro chavaipi chinosemesa, ko kutozoti kana zvaanochiunzira zviri zvakaipa. Chapupu chenhema chinoparara asi chapupu chakazvinzwa chinoramba chichiteererwa Munhu wakaipa ane chiso chisinganyari asi akarurama akatsiga mukuita kwake. Hakuna ungwaru kana njere kana mazano zvingamirisane naTenzi. Bhiza ringadziirirwa zvaro zuva rehondo asi anonunura muhondo ndiTenzi.
Zvirevo 21:17-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unofarira ɀinofadza, ucaʋa murombo; Unofarira waini namafuta haaŋgafumi. Wakaipa idzikinuro yowakarurama; Unoita nokunyeŋgedzera unopinda panɀimbo yowakarurama. Ɀirinani kugara murenje, Pakugara nomukadzi unokakaʋara nounonetsa. Mumba mowakacenjera munefuma inokosha namafuta; Asi ɓenzi rinoɀipedza. Munhu, unotȿaka kururama noʋunyoro, Unowana ʋupenyu, nokururama, nokukudzwa. Munhu wakacenjera unokwira muguta raʋanesimba, Aciwisira pasi nhare yaʋanoʋimba nayo. Aninani unoceŋgeta muromo wake norurimi rwake, Unoceŋgeta mŋeya wake pamaɗambudziko. Munhu, unoɀikudza unamanyawi, muɗaɗi ndiro zita rake; Unoita namanyawi okuɀikudza kwake. Kuɗa kwounoʋusimbe kunomuʋuraya; Nokuti maʋoko ake anoramba kuɓata. Zuʋa rose unoramba aciŋgoɗa; Asi wakarurama unopa asiŋgarambi. Ciɓayiro cowakaipa cinonyaŋgadza; Ndoɗa kana aciʋuya naɀo kuyananisira ɀakaipa. Capupu cenhema cicaparadzwa; Asi munhu unoterera, ucaramba acitaura. Munhu wakaipa uneciso cisiŋganyari; Asi kana ari wakarurama unogadzira nzira dzake. Hakunoʋucenjeri, kana njere, Hakunamano aŋgakunda Jehova. Biza rinogadzirirwa zuʋa rokurwa, Asi kukunda kunobva kunaJehova.
Zvirevo 21:17-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)