Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 21:17-31

Ɀireʋo 21:17-31 SUB1949

Unofarira ɀinofadza, ucaʋa murombo; Unofarira waini namafuta haaŋgafumi. Wakaipa idzikinuro yowakarurama; Unoita nokunyeŋgedzera unopinda panɀimbo yowakarurama. Ɀirinani kugara murenje, Pakugara nomukadzi unokakaʋara nounonetsa. Mumba mowakacenjera munefuma inokosha namafuta; Asi ɓenzi rinoɀipedza. Munhu, unotȿaka kururama noʋunyoro, Unowana ʋupenyu, nokururama, nokukudzwa. Munhu wakacenjera unokwira muguta raʋanesimba, Aciwisira pasi nhare yaʋanoʋimba nayo. Aninani unoceŋgeta muromo wake norurimi rwake, Unoceŋgeta mŋeya wake pamaɗambudziko. Munhu, unoɀikudza unamanyawi, muɗaɗi ndiro zita rake; Unoita namanyawi okuɀikudza kwake. Kuɗa kwounoʋusimbe kunomuʋuraya; Nokuti maʋoko ake anoramba kuɓata. Zuʋa rose unoramba aciŋgoɗa; Asi wakarurama unopa asiŋgarambi. Ciɓayiro cowakaipa cinonyaŋgadza; Ndoɗa kana aciʋuya naɀo kuyananisira ɀakaipa. Capupu cenhema cicaparadzwa; Asi munhu unoterera, ucaramba acitaura. Munhu wakaipa uneciso cisiŋganyari; Asi kana ari wakarurama unogadzira nzira dzake. Hakunoʋucenjeri, kana njere, Hakunamano aŋgakunda Jehova. Biza rinogadzirirwa zuʋa rokurwa, Asi kukunda kunobva kunaJehova.