Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 21:17-31

Zvirevo 21:17-31 SNA2002

Anofarira zvinofadza, achava murombo; Anofarira waini namafuta haangapfumi. Akaipa idzikunuro yowakarurama; Anoita nokunyengedzera anopinda panzvimbo yowakarurama. Zviri nani kugara murenje, Pakugara nomukadzi anokakavara noanonetsa. Mumba mowakachenjera mune pfuma inokosha namafuta, Asi benzi rinozvipedza. Munhu, anotsvaka kururama nounyoro, Anowana upenyu, nokururama, nokukudzwa. Munhu akachenjera anokwira muguta ravane simba, Achiwisira pasi nhare yavanovimba nayo. Ani naani anochengeta muromo wake norurimi rwake, Anochengeta mweya wake pamadambudziko. Munhu, anozvikudza ana manyawi, mudadi ndiro zita rake; Anoita namanyawi okuzvikudza kwake. Kuda kwoane usimbe kunomuuraya; Nokuti maoko ake anoramba kubata basa. Zuva rose anoramba achingochiva; Asi akarurama anopa asingarambi. Chibayiro chowakaipa chinonyangadza; Ndoda kana achiuya nazvo kuyananisira zvakaipa. Chapupu chenhema chichaparadzwa; Asi munhu unoteerera, acharamba achitaura. Munhu akaipa ane chiso chisinganyari; Asi kana ari akarurama anogadzira nzira dzake. Hakuna uchenjeri, kana njere, Hakuna mano angakunda Jehovha. Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, Asi kukunda kunobva kuna Jehovha.

Verenga chikamu Zvirevo 21