Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 20:16-30

Zvirevo 20:16-30 BDSC

Mutorerei nguo yake, uyo anoitira mutorwa rubatso; itorei sorubatso kana azviitira mukadzi asingazvibati. Zvokudya zvakawanikwa nokunyengera zvinonaka kumunhu, asi achapedzisira ava nomukanwa mazara jecha. Ita urongwa nokutsvaga mazano; kana uchironga hondo, tsvaka kutungamirirwa. Guhwa rinoputsa chivimbo; saka furatira munhu anotaurisa. Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake, mwenje wake uchadzimwa parima guru. Nhaka yakakurumidza kuwanikwa pakutanga haingaropafadzwi pamagumo ayo. Usati, “Ndichatsiva zvawanditadzira izvi!” Mirira Jehovha, uye iye achakubatsira. Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana, uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi. Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha. Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake? Musungo kumunhu kuti akumikidze chimwe chinhu nokukurumidza uye ozorangarira mhiko dzake pava paya. Mambo akachenjera anopepeta zvakaipa; anofambisa vhiri rokupura pamusoro pavo. Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu; unonzvera zviri mukatikati make. Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo; kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa. Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo, bvudzi jena kubwinya kwavakwegura. Kurohwa nokukuvadzwa zvinobvisa zvakaipa, uye kurohwa neshamhu kunovaka munhu womukati.