Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 20:16-30

Zvirevo 20:16-30 SNA2002

Mutorerei nguo yake, iye wakazviita rubatso kumutorwa; Ngaave rubatso rwavatorwa. Munhu anoti zvokudya zvenhema zvakanaka, Asi pashure muromo wake uchazara nejecha. Mano anobva pakurangana; Urwe pfumo wamborairirwa nohuchenjeri. Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Saka usashamwaridzana nomunhu anoshamisa miromo yake. Anotuka baba vake kana mai vake, Mwenje wake uchadzimwa parima rakasviba. Nhaka, yakawanikwa nokukurumidza pakutanga, Haingaropafadzwi pakupedzisira. Usati, “Ndachatsiva zvakaipa;” Mirira Jehovha, iye achakuponesa. Zviidzo, zvakasiyana, zvinonyangadza Jehovha; Nechiyero chinonyengedzera hachina kunaka. Kufamba kwomunhu kunobva kuna Jehovha; Zvino munhu anganzwisisa seiko nzira yake? Musungo kumunhu kupika achiti, “Chitsvene!” Asina kumborangarira, Ndokuzofungisisa ambopika. Mambo akachenjera anozungura vakaipa, Achivapura nomupuro. Mweya womunhu mwenje waJehovha; Anonzvera zvose zviri mukati-kati. Rudo nokutendeka zvinochengeta mambo; Chigaro chake choushe chinotsigirwa norudo. Majaya anokudzwa nokuda kwesimba rawo; Ukomba hwavatana ndiyo misoro yakachena. Kurohwa kunokuvadza kunonatsa zvakaipa; Kurohwa kunopinda mukati-kati.

Verenga chikamu Zvirevo 20