Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 1:1-18

VaFiripi 1:1-18 BDSC

Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai. Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro nokuda kwokubata pamwe kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino, ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu. Zvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, sezvo ndinemi mumwoyo; nokuti kunyange ndakasungwa nengetani kana kuti ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri, imi mose munogovana neni munyasha dzaMwari. Mwari anogona kupupura kuti ndinokufungai sei imi mose norudo rwaKristu Jesu. Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa, kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu, muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari. Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri. Nokuda kwaizvozvo, zvava pachena kuvarindi vomuzinda wamambo nokuna vose kuti ndiri mungetani nokuda kwaKristu. Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi. Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka. Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri. Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani. Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara. Hongu, uye ndicharamba ndichifara