Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 1:1-18

VaFiripi 1:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu, vari muFiripi, navatariri navaranda vesangano: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Ndinovonga Mwari wangu nguva imwe neimwe kana ndichikufungai, ndichikumbira nomufaro nguva dzose pakukumbira kwangu kwose, pamusoro penyu mose nokuda kwokusangana kwenyu paVhangeri kubva pazuva rokutanga kusvikira zvino; ndichiziva chinhu ichi, kuti iye akatanga basa rakanaka mukati menyu, acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu; sezvazvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, zvandinokurangarirai mumwoyo mangu, nokuti pakusungwa kwangu napakudavirira nokusimbisa Vhangeri, imi makagoverwa nyasha pamwechete neni. Nokuti Mwari chapupu changu kuti ndinokushuvai mose zvikuru netsitsi dzaKristu Jesu. Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakuziva nokunzwisisa kwose; kuti muedze muzive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, kuti muve vakarurama, vasina mhosva, kusvikira pazuva raKristu; muzere nechibereko chokururama, chinouya naJesu Kristu, kuti ave nokubwinya nokurumbidzwa. Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti izvo zvakandiwira zvakatofambisa Vhangeri; nokudaro kuti kusungwa kwangu kwakazikanwa muimba yashe yose, nokuna vamwe vose kuti kuri muna Kristu. Nehama zhinji muna Ishe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi. Vamwe havo vanoparidza Kristu negodo negakava, vamwe nomwoyo wakanaka; vamwe havo vanoita norudo, vachiziva kuti ndakagadzwa kuti ndidavirire Vhangeri. Asi vamwe vanoparidza Kristu nenharo, vasingaiti nomwoyo wakachena, vachiti vawedzere nhamo pakusungwa kwangu. Zvinei hazvo? Hazvina hazvo, asi kuti Kristu anoparidzwa hake nenzira dzose, kana namanomano, kana nechokwadi; ndinofara nazvo, uye ndichasifara hangu nazvo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaFiripi 1

VaFiripi 1:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai. Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro nokuda kwokubata pamwe kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino, ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu. Zvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, sezvo ndinemi mumwoyo; nokuti kunyange ndakasungwa nengetani kana kuti ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri, imi mose munogovana neni munyasha dzaMwari. Mwari anogona kupupura kuti ndinokufungai sei imi mose norudo rwaKristu Jesu. Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa, kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu, muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari. Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri. Nokuda kwaizvozvo, zvava pachena kuvarindi vomuzinda wamambo nokuna vose kuti ndiri mungetani nokuda kwaKristu. Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi. Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka. Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri. Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani. Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara. Hongu, uye ndicharamba ndichifara

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaFiripi 1

VaFiripi 1:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndini Pauro naTimoti varanda vaKristu Jesu ndinokunyorerai imi mose vatsvene muna Kristu Jesu vari kuFiripi namabhishopi namadhikoni. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha vakupei rugare. Ndinotenda Mwari wangu pose pandinokufungai uye nguva dzose pose pandinokunamatirai mose, ndichikunamatirai nomufaro ndichitenda Mwari norubatsiro rwenyu muShoko Rakanaka, kubvira pazuva rokutanga kusvikira pari nhasi. Ndine chokwadi chokuti iye akatangisa basa iri rakanaka mamuri, acharipedzisa pazuva raKristu Jesu. Munogara muri mumwoyo mangu mose zvenyu. Naizvozvo zviri pamwerowo kuti ndifunge kudai nezvenyu nokuti tinogoverana nyasha muusungwa hwangu uye mukurwira kusimbisa Shoko Rakanaka. Mwari angatondipupurirawo kuti ndinokusuwai sei mose ndiine rudo runa Kristu Jesu. Chandinokunamatirai ndechokuti dai rudo rwenyu rwangoramba rwuchifashukira kuwanda muine ruzivo nechipo chokugona kuona zvinhu nemazvo kuti mukwanise kusarudza chakanakisisa uye kuti muve vatsvene vasina chinoshoreka pamuri pazuva raKristu, makazadzwa nemichero yoururami inouya nokuna Jesu Kristu zvichipa mbiri norukudzo kuna Mwari. Hama dzangu ndingade kuti muzive kuti zvakaitika kwandiri zvakatobatsira kuenderera mberi kweShoko Rakanaka zvokuti zvavakutozivikanwa nevokuchengetedza mumuzinda navamwe vose kuti kuva mujeri kwangu, pamusana paKristu. Kuva mujeri kwangu kwakapa kuti ruzhinji rwevehama ruve nechivindi muna Tenzi uye vatova vanhu vasingambokatari zvavo kutaura Shoko raMwari. Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu pamusana peshanje uye zvamakakatanwa asi vamwe vanozviita nemwoyo wakanaka. Ava vanozviita pamusana perudo vachiziva kuti ini ndiripo kurwira Shoko Rakanaka. Vamwe ava vanoparidza Kristu nomwoyo wokungozvifunga ivo pachavo kwete nokutendeka, asi vachida kundirwadzisa ndiri mujeri. Hazvinei hazvo. Chiripo chete ndechokuti Kristu anoparidzwa nenzira dzakawanda, dzingave nzira kwadzo kana dzisina kunaka asi Kristu ari kuparidzwa. Izvozvo ndizvo zvinondifadza zvikuru. Aiwa! Zvinofadza kwazvo

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaFiripi 1

VaFiripi 1:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Pauro naTimotio, ʋaranda ʋaKristu Jesu, kuʋatȿene ʋose munaKristu Jesu, ʋari paFiripi, naʋatariri naʋaranda ʋekereke: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu. Ndinoʋoŋga Mŋari waŋgu ŋguʋa imŋe neimŋe kana ndicikufuŋgai, — ndicikumbira nomufaro ŋguʋa dzose pakukumbira kwaŋgu kwose, pamsoro penyu mose — nokuɗa kwokusoŋgana kwenyu paEvaŋgeri kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira ɀino; ndiciziʋa cinhu ici, kuti iye wakataŋga ɓasa rakanaka mukati menyu, ucaripedzisa kuȿikira pazuʋa raKristu Jesu; seɀaɀakanaka kwandiri kuti ndifuŋge saiɀoɀo pamsoro penyu mose, ɀandinokuraŋgarirai mumŋoyo maŋgu, nokuti pakusuŋgwa kwaŋgu napakutaʋirira nokusimbisa Evaŋgeri, imi makagoʋerwa nyasha pamŋe cete neni. Nokuti Mŋari capupu caŋgu kuti ndinokushuʋai mose ɀikuru netsitsi dzaKristu Jesu. Ndiɀo zandinonyeŋgetera, kuti ruɗo rwenyu rurambe ruciŋgowanda pakuziʋa nokunzwisisa kwose; kuti muidze muziʋe kuti ɀinhu ɀakanaka ndeɀipi, kuti muʋe ʋakarurama, ʋasinemhoȿa, kuȿikira pazuʋa raKristu; muzere neciɓereko cokururama, cinoʋuya naJesu Kristu, kuti Mŋari aʋe nokubginya nokurumbidzwa. Ɀino ndinoɗa kuti muziʋe, hama dzaŋgu, kuti iɀo ɀakandiwira ɀakatofambisa Evaŋgeri; nokuɗaro kuti kusuŋgwa kwaŋgu kwakazikanwa muimba yashe yose, nokunaʋamŋe ʋose kuti kuri munaKristu. Nehama zhinji munaShe, dzakasimbiswa nokusuŋgwa kwaŋgu, ʋonyanya kutsuŋga kuparidza shoko raMŋari ʋasiŋgatyi. Ʋamŋe haʋo ʋanoparidza Kristu negoɗo negakaʋa, ʋamŋe nomŋoyo wakanaka; ʋamŋe haʋo ʋanoita noruɗo, ʋaciziʋa kuti ndakagadzwa kuti nditaʋirire Evaŋgeri. Asi ʋamŋe ʋanoparidza Kristu nenharo, ʋasiŋgaiti nomŋoyo wakacena, ʋaciti ʋawedzere nhamo pakusuŋgwa kwaŋgu. Ɀinei haɀo? Haɀina haɀo, asi kuti Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose, kana namano‐mano, kana neɀokwaɗi; ndinofara naɀo, ʋuye ndicasifara haŋgu naɀo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaFiripi 1

VaFiripi 1:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)