Pauro naTimotio, ʋaranda ʋaKristu Jesu, kuʋatȿene ʋose munaKristu Jesu, ʋari paFiripi, naʋatariri naʋaranda ʋekereke: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu.
Ndinoʋoŋga Mŋari waŋgu ŋguʋa imŋe neimŋe kana ndicikufuŋgai, — ndicikumbira nomufaro ŋguʋa dzose pakukumbira kwaŋgu kwose, pamsoro penyu mose — nokuɗa kwokusoŋgana kwenyu paEvaŋgeri kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira ɀino; ndiciziʋa cinhu ici, kuti iye wakataŋga ɓasa rakanaka mukati menyu, ucaripedzisa kuȿikira pazuʋa raKristu Jesu; seɀaɀakanaka kwandiri kuti ndifuŋge saiɀoɀo pamsoro penyu mose, ɀandinokuraŋgarirai mumŋoyo maŋgu, nokuti pakusuŋgwa kwaŋgu napakutaʋirira nokusimbisa Evaŋgeri, imi makagoʋerwa nyasha pamŋe cete neni. Nokuti Mŋari capupu caŋgu kuti ndinokushuʋai mose ɀikuru netsitsi dzaKristu Jesu. Ndiɀo zandinonyeŋgetera, kuti ruɗo rwenyu rurambe ruciŋgowanda pakuziʋa nokunzwisisa kwose; kuti muidze muziʋe kuti ɀinhu ɀakanaka ndeɀipi, kuti muʋe ʋakarurama, ʋasinemhoȿa, kuȿikira pazuʋa raKristu; muzere neciɓereko cokururama, cinoʋuya naJesu Kristu, kuti Mŋari aʋe nokubginya nokurumbidzwa.
Ɀino ndinoɗa kuti muziʋe, hama dzaŋgu, kuti iɀo ɀakandiwira ɀakatofambisa Evaŋgeri; nokuɗaro kuti kusuŋgwa kwaŋgu kwakazikanwa muimba yashe yose, nokunaʋamŋe ʋose kuti kuri munaKristu. Nehama zhinji munaShe, dzakasimbiswa nokusuŋgwa kwaŋgu, ʋonyanya kutsuŋga kuparidza shoko raMŋari ʋasiŋgatyi. Ʋamŋe haʋo ʋanoparidza Kristu negoɗo negakaʋa, ʋamŋe nomŋoyo wakanaka; ʋamŋe haʋo ʋanoita noruɗo, ʋaciziʋa kuti ndakagadzwa kuti nditaʋirire Evaŋgeri. Asi ʋamŋe ʋanoparidza Kristu nenharo, ʋasiŋgaiti nomŋoyo wakacena, ʋaciti ʋawedzere nhamo pakusuŋgwa kwaŋgu. Ɀinei haɀo? Haɀina haɀo, asi kuti Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose, kana namano‐mano, kana neɀokwaɗi; ndinofara naɀo, ʋuye ndicasifara haŋgu naɀo.