Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 1:1-18

VaFiripi 1:1-18 SNA2002

Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu, vari muFiripi, navatariri navaranda vesangano: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Ndinovonga Mwari wangu nguva imwe neimwe kana ndichikufungai, ndichikumbira nomufaro nguva dzose pakukumbira kwangu kwose, pamusoro penyu mose nokuda kwokusangana kwenyu paVhangeri kubva pazuva rokutanga kusvikira zvino; ndichiziva chinhu ichi, kuti iye akatanga basa rakanaka mukati menyu, acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu; sezvazvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, zvandinokurangarirai mumwoyo mangu, nokuti pakusungwa kwangu napakudavirira nokusimbisa Vhangeri, imi makagoverwa nyasha pamwechete neni. Nokuti Mwari chapupu changu kuti ndinokushuvai mose zvikuru netsitsi dzaKristu Jesu. Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakuziva nokunzwisisa kwose; kuti muedze muzive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, kuti muve vakarurama, vasina mhosva, kusvikira pazuva raKristu; muzere nechibereko chokururama, chinouya naJesu Kristu, kuti ave nokubwinya nokurumbidzwa. Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti izvo zvakandiwira zvakatofambisa Vhangeri; nokudaro kuti kusungwa kwangu kwakazikanwa muimba yashe yose, nokuna vamwe vose kuti kuri muna Kristu. Nehama zhinji muna Ishe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi. Vamwe havo vanoparidza Kristu negodo negakava, vamwe nomwoyo wakanaka; vamwe havo vanoita norudo, vachiziva kuti ndakagadzwa kuti ndidavirire Vhangeri. Asi vamwe vanoparidza Kristu nenharo, vasingaiti nomwoyo wakachena, vachiti vawedzere nhamo pakusungwa kwangu. Zvinei hazvo? Hazvina hazvo, asi kuti Kristu anoparidzwa hake nenzira dzose, kana namanomano, kana nechokwadi; ndinofara nazvo, uye ndichasifara hangu nazvo.

Verenga chikamu VaFiripi 1