Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 9:18-26

Mateo 9:18-26 BDSC

Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, “Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari agorarama.” Jesu akasimuka akaenda naye pamwe chete navadzidzi vake. Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake. Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa.” Jesu akatendeuka akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo. Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka. Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka. Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose.