Jesu paakanga achiri kutaura kwavari mumwe mutungamiri akapinda akapfugama pamberi pake achiti, “Mwanasikana wangu afa iye zvino izvi. Uyai muzoisa ruoko rwenyu paari, achararama.” Jesu akasimuka akamutevera pamwechete navadzidzi vake. Pakabva pauya mumwe mudzimai akanga aine chirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akauya necheshure kwake akabata mupendero wehanzu yake nokuti akazviti nechemumwoyo, “Ndikangobata chete hanzu yake ndichava wadi.” Jesu akatendeuka akamuona akati, “Tsunga mwoyo mukunda, chitendero chako chakuponesa.” Jesu paakasvika kumba kwomutungamiri uya, akaona vokuridza nyere negungano ravanhu richiita mhere mhere. Iye akati, “Budai nokuti musikana haana kufa, akakotsira.” Vakamuseka. Chikwata chavanhu pachakaburitswa, Jesu akapinda akamubata ruoko. Musikana ndokubva amuka. Mukurumbira wake wakapararira mudunhu iroro rose.
Verenga chikamu Mateu 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 9:18-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo