Mateo 9:18-26
Mateo 9:18-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, “Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari agorarama.” Jesu akasimuka akaenda naye pamwe chete navadzidzi vake. Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake. Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa.” Jesu akatendeuka akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo. Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka. Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka. Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose.
Mateo 9:18-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati achavaudza izvozvo, mumwe mukuru akasvikapo, akamupfugamira, akati, “Mukunda wangu afa ikozvino, asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, ararame.” Ipapo Jesu akasimuka, akamutevera navadzidzi vake. Zvino mumwe mukadzi, aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akauya shure kwake, akabata mupendero wenguo yake; nokuti akati nechomumwoyo, “Kana ndikabata nguo yake bedzi, ndichaponeswa.” Asi Jesu akatendeuka, akamuona, akati, “Mukunda, tsunga mwoyo, kutenda kwako kwakuponesa.” Mukadzi akaponeswa kubva panguva iyo. Zvino Jesu akati asvika mumba momukuru, akaona varidzi venyere navanhu vazhinji vachiita mhere-mhere, akati kwavari, “Ibvai, nokuti musikana haana kufa, asi avete.” Vakamuseka. Asi vanhu vazhinji vakati vabudiswa, akapinda, akabata ruoko rwake, musikana ndokumuka. Mukurumbira wazvo ukapararira kunyika iyo yose.
Mateo 9:18-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakanga achiri kutaura kwavari mumwe mutungamiri akapinda akapfugama pamberi pake achiti, “Mwanasikana wangu afa iye zvino izvi. Uyai muzoisa ruoko rwenyu paari, achararama.” Jesu akasimuka akamutevera pamwechete navadzidzi vake. Pakabva pauya mumwe mudzimai akanga aine chirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akauya necheshure kwake akabata mupendero wehanzu yake nokuti akazviti nechemumwoyo, “Ndikangobata chete hanzu yake ndichava wadi.” Jesu akatendeuka akamuona akati, “Tsunga mwoyo mukunda, chitendero chako chakuponesa.” Jesu paakasvika kumba kwomutungamiri uya, akaona vokuridza nyere negungano ravanhu richiita mhere mhere. Iye akati, “Budai nokuti musikana haana kufa, akakotsira.” Vakamuseka. Chikwata chavanhu pachakaburitswa, Jesu akapinda akamubata ruoko. Musikana ndokubva amuka. Mukurumbira wake wakapararira mudunhu iroro rose.
Mateo 9:18-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati acaʋaʋudza iɀoɀo, mumŋe muɓati akaȿika’po, akamunamata, akati: Mukunda waŋgu wafa ikoɀino, asi ʋuyai muise ruʋoko rwenyu pamsoro pake, ararame. Ipapo Jesu akasimuka, akamuteʋera naʋadzidzi ʋake. Ɀino mumŋe mukadzi, waiʋa nokurwara kwokuɓuɗa ropa makore anegumi namaʋiri, wakaʋuya shure kwake, akaɓata mupendero weŋguʋo yake; nokuti wakati mumŋoyo make: Kana ndikaɓata ŋguʋo yake ɓedzi, ndicaponeswa. Asi Jesu wakatendeʋuka, akamuʋona, akati: Mukunda, tsuŋga mŋoyo, kutenda kwako kwakuponesa. Mukadzi akaponeswa kubva paŋguʋa iyo. Ɀino Jesu wakati aȿika mumba momuɓati, akaʋona ʋaridzi ʋenyere naʋanhu ʋazhinji ʋaciita mhere‐mhere, akati kwaʋari: Ibvai, nokuti musikana haana‐kufa, asi uʋete. Ʋakamuseka. Asi ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaɓuɗiswa, akapinda, akaɓata ruʋoko rwake, musikana ndokumuka. Mukurumbira waɀo ukaɓuɗira kunyika iyo yose.
Mateo 9:18-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)