Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 15:1-20

Mateo 15:1-20 BDSC

Ipapo vanyori navaFarisi vakauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema uye vakamubvunza vachiti, “Sei vadzidzi venyu vachityora tsika dzavakuru? Havashambi maoko avo vasati vadya!” Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu? Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’ Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari’, haachafaniri ‘kukudza baba vake’ nacho? Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu. Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti: “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanondinamata pasina; vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ” Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise. Icho chinopinda mumuromo momunhu ‘hachimusvibisi’, asi chinobuda mumuromo make ndicho ‘chinomusvibisa’.” Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?” Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa. Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.” Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.” Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa? Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze! Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu. Izvi ndizvo ‘zvinosvibisa’ munhu, asi kudya asina kushamba maoko ‘hazvimusvibisi’.”