Mateo 15:1-20
Mateo 15:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vanyori navaFarisi vakauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema uye vakamubvunza vachiti, “Sei vadzidzi venyu vachityora tsika dzavakuru? Havashambi maoko avo vasati vadya!” Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu? Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’ Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari’, haachafaniri ‘kukudza baba vake’ nacho? Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu. Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti: “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanondinamata pasina; vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ” Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise. Icho chinopinda mumuromo momunhu ‘hachimusvibisi’, asi chinobuda mumuromo make ndicho ‘chinomusvibisa’.” Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?” Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa. Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.” Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.” Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa? Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze! Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu. Izvi ndizvo ‘zvinosvibisa’ munhu, asi kudya asina kushamba maoko ‘hazvimusvibisi’.”
Mateo 15:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vaFarisi navanyori vakauya kuna Jesu vachibva Jerusaremu, vakati, “Vadzidzi venyu vanodarikireiko tsika dzavakuru, nokuti havashambe maoko kana vachidya zvokudya?” Akapindura, akati kwavari, “Nemiwo munodarikireiko murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu? “Nokuti Mwari wakati, ‘Kudza baba vako namai vako;’ uye, ‘Anotuka baba kana mai, ngaafe norufu.’ Asi imi munoti, ani naani anoti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri, chava chipo kuna Mwari,’ haachakudzi baba vake kana mai vake, asi haane mhosva. Makatorera murayiro waMwari simba netsika dzenyu. Imi vanyengeri, Isaya akaporofita kwazvo pamusoro penyu, achiti, ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, Asi mwoyo yavo iri kure neni. Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa dzidziso nemirairo yavanhu.’ ” Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, “Teererai, munzwisise. Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu, asi zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.” Zvino vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Munoziva kuti vaFarisi vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?” Akapindura, akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa.” “Varegei; mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.” Petirosi akapindura, akati kwaari, “Tidudzireiwo mufananidzo uyu.” Iye akati, “Nazvino nemiwo muchigere kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazoraswa kunze? Asi zvinobuda mumuromo, zvinobva mumwoyo; ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noupfeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokushonha Mwari; ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya namaoko asati ashamba, hazvisvibisi munhu.”
Mateo 15:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakazouya vaFarisei nenyanzvi dzomutemo kuna Jesu vachibva kuJerusaremu vachiti, “Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika dzamagamuchidzanwa dzamadzitateguru? Nokuti havashambi maoko avo pavanodya.” Jesu akavapindura achiti, “Ko imi munodarikirei mutemo waMwari nokuda kwamagamuchidzanwa enyu? Nokuti Mwari, akati, ‘Remekedza Baba naamai vako uye kuti munhu anotaura zvakaipa nezvababa kana amai vake anofanira kuti afe.’ Asi imi munoti, kana munhu akataurira baba vake kana amai vake achiti, ‘Zvandakanga ndichigona kuzokubatsirai nazvo ndazvipira kuna Mwari, haazosungirwa kuremekedza baba vake.’ Saizvozvo nokuda kwamagamuchidzanwa enyu, makaita kuti shoko raMwari rishaye maturo. Imi vanyengedzi, Isaya akaporofita zvechokwadi nezvenyu paakati, “ ‘Vanhu ava vanondikudza zvapamuromo chete asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo ndekwenhando vachidzidzisa, sechokwadi, mitemo yavanhu.’ ” Jesu akadaidza vanhu ndokuti kwavari, “Teererai munzwisise, “Munhu haan'oreswe nezvinopinda mukanwa make asi zvinobuda mukanwa make ndizvo zvinon'oresa munhu.” Vadzidzi vake vakauya vakati kwaari, “Munoziva here kuti vaFarisei vakagumbuka pavakanzwa zvamakataura zviya.” Iye akati, “Chose chisina kudyarwa naBaba vangu chichadzipurwa. Varegei vakadaro, mapofu avatungamiri. Zvino kana bofu, rikatungamirira rimwe bofu vachawira vose mugomba.” Asi Pita akati kwaari, “Titsanangurirei muenzaniso uyu.” Jesu ndokuti, “Nemiwo hamunzwisise nhai? Hamuoni here kuti chinhu chose chinopinda mukanwa chinopfuura nomudumbu chichizobva chorasirwa kunze. Asi chinobuda mukanwa momunhu chinobva mumwoyo, ndicho chinon'oresa munhu. Nokuti mumwoyo ndimo munobva pfungwa dzakaipa dzinoti, umhondi noupombwe nokufeva nokuba nokurevera vamwe nhema uye kutaura zvakaipa nezvavamwe. Izvi ndizvo zvinon'oresa munhu asi zvokudya usina kushamba maoko hazvin'orese munhu.”
Mateo 15:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaFarise naʋanyori ʋakaʋuya kunaJesu ʋacibva Jerusarema, ʋakati: Ʋadzidzi ʋenyu ʋanoɗarikireiko tsika dzaʋakuru, nokuti haʋashambi maʋoko kana ʋacidya ɀokudya? Akapindura, akati kwaʋari: Nemi ʋo munoɗarikireiko murairo waMŋari nokuɗa kwetsika dzenyu? Nokuti Mŋari wakati: Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako; ʋuye, Unotuka ɓaɓa kana mai, ŋgaafe norufu. Asi imi munoti: Aninani unoti kunaɓaɓa ʋake kana mai ʋake: Cinhu cipi necipi camaiti munoɓatsirwa naco kwandiri, caʋa cipo kunaMŋari, haacakudzi ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, asi haanemhoȿa. Makatorera murairo waMŋari simba netsika dzenyu. Imi ʋanyeŋgeri, Isaya wakaprofita kwaɀo pamsoro penyu, aciti: Ʋanhu aʋa ʋanondikudza nemiromo yaʋo, Asi mŋoyo yaʋo iri kure neni. Asi ʋanondinamata pasina, Ʋacidzidzisa dzidziso iri mirairo yaʋanhu. Ɀino akaɗana ʋanhu ʋazhinji kwaari, akati kwaʋari: Tererai, munzwisise: Iɀo ɀinopinda mumuromo, haɀiȿiɓisi munhu, asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Munoziʋa kuti ʋaFarise ʋakagumburwa ʋacinzwa shoko iri here? Akapindura, akati: Muti mumŋe nomumŋe usina‐kusimŋa naƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga ucadzurwa. Ʋaregei; mapofu anotuŋgamirira mapofu. Ɀino kana ɓofu ricituŋgamirira ɓofu, acawira mugomba ose ari maʋiri. Petro akapindura, akati kwaari: Tiɗudzirei ʋo mufananidzo uyu. Iye akati: Naɀino nemi ʋo mucigere kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti ɀose ɀinopinda mumuromo, ɀinoenda muɗumbu, ɀikazorashwa kunze? Asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ɀinobva mumŋoyo; ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Nokuti mumŋoyo munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noʋupombge, nokuɓa, nokupupura nhema, nokumhura Mŋari; ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu; asi kudya namaʋoko asati ashambga, haɀiȿiɓisi munhu.
Mateo 15:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)