Ɀino ʋaFarise naʋanyori ʋakaʋuya kunaJesu ʋacibva Jerusarema, ʋakati: Ʋadzidzi ʋenyu ʋanoɗarikireiko tsika dzaʋakuru, nokuti haʋashambi maʋoko kana ʋacidya ɀokudya? Akapindura, akati kwaʋari: Nemi ʋo munoɗarikireiko murairo waMŋari nokuɗa kwetsika dzenyu? Nokuti Mŋari wakati: Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako; ʋuye, Unotuka ɓaɓa kana mai, ŋgaafe norufu. Asi imi munoti: Aninani unoti kunaɓaɓa ʋake kana mai ʋake: Cinhu cipi necipi camaiti munoɓatsirwa naco kwandiri, caʋa cipo kunaMŋari, haacakudzi ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, asi haanemhoȿa. Makatorera murairo waMŋari simba netsika dzenyu. Imi ʋanyeŋgeri, Isaya wakaprofita kwaɀo pamsoro penyu, aciti:
Ʋanhu aʋa ʋanondikudza nemiromo yaʋo,
Asi mŋoyo yaʋo iri kure neni.
Asi ʋanondinamata pasina,
Ʋacidzidzisa dzidziso iri mirairo yaʋanhu.
Ɀino akaɗana ʋanhu ʋazhinji kwaari, akati kwaʋari: Tererai, munzwisise: Iɀo ɀinopinda mumuromo, haɀiȿiɓisi munhu, asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Munoziʋa kuti ʋaFarise ʋakagumburwa ʋacinzwa shoko iri here? Akapindura, akati: Muti mumŋe nomumŋe usina‐kusimŋa naƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga ucadzurwa. Ʋaregei; mapofu anotuŋgamirira mapofu. Ɀino kana ɓofu ricituŋgamirira ɓofu, acawira mugomba ose ari maʋiri. Petro akapindura, akati kwaari: Tiɗudzirei ʋo mufananidzo uyu. Iye akati: Naɀino nemi ʋo mucigere kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti ɀose ɀinopinda mumuromo, ɀinoenda muɗumbu, ɀikazorashwa kunze? Asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ɀinobva mumŋoyo; ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Nokuti mumŋoyo munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noʋupombge, nokuɓa, nokupupura nhema, nokumhura Mŋari; ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu; asi kudya namaʋoko asati ashambga, haɀiȿiɓisi munhu.