Zvino vaFarisi navanyori vakauya kuna Jesu vachibva Jerusaremu, vakati, “Vadzidzi venyu vanodarikireiko tsika dzavakuru, nokuti havashambe maoko kana vachidya zvokudya?”
Akapindura, akati kwavari, “Nemiwo munodarikireiko murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu?
“Nokuti Mwari wakati, ‘Kudza baba vako namai vako;’ uye, ‘Anotuka baba kana mai, ngaafe norufu.’ Asi imi munoti, ani naani anoti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri, chava chipo kuna Mwari,’ haachakudzi baba vake kana mai vake, asi haane mhosva. Makatorera murayiro waMwari simba netsika dzenyu. Imi vanyengeri, Isaya akaporofita kwazvo pamusoro penyu, achiti,
‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,
Asi mwoyo yavo iri kure neni.
Asi vanondinamata pasina,
Vachidzidzisa dzidziso nemirairo yavanhu.’ ”
Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, “Teererai, munzwisise. Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu, asi zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.”
Zvino vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Munoziva kuti vaFarisi vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?”
Akapindura, akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa.” “Varegei; mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.”
Petirosi akapindura, akati kwaari, “Tidudzireiwo mufananidzo uyu.” Iye akati, “Nazvino nemiwo muchigere kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazoraswa kunze? Asi zvinobuda mumuromo, zvinobva mumwoyo; ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noupfeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokushonha Mwari; ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya namaoko asati ashamba, hazvisvibisi munhu.”