Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 12:7-21

Mateo 12:7-21 BDSC

Dai maiziva zvinorehwa namashoko anoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,’ hamaizopa mhosva vasina mhosva. Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.” Achipfuurira mberi kubva panzvimbo iyoyo, akapinda musinagoge ravo, uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?” Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here? Ko, zvino munhu anokosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.” Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe. Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei. Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose. Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani. Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti: “Houno muranda wangu wandakasarudza, wandinoda, anondifadza; ndichaisa Mweya wangu paari, iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama. Haazokakavari kana kuridza mhere; hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa. Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori, nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi, kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda. Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”