Mateo 12:7-21
Mateo 12:7-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro,’ mungadai musina kutonga vasina mhosva. Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.” Akabvapo, akapinda musinagoge ravo. Zvino tarira, kwakanga kunomunhu akanga anoruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza, vachiti, “Zvakatenderwa kuporesa neSabata here?” Kuti vamupomere mhosva. Akati kwavari, “Ndiani kwamuri angava negwai rimwe, kana rikawira mugomba neSabata, angarega kuribata akaribudisa here? Munhu anopfuura hwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka neSabata.” Zvino akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako!” Akarutambanudza, rukapora, rukava sorumwe. Zvino vaFarisi vakabuda, vakarangana pamusoro pake, kuti vangamuuraya sei. Jesu akati achizviziva, akabvapo; vanhu vazhinji vakamutevera, akavaporesa vose, akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena, kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Tarira, muranda wangu wandakasanangura; Mudikanwi wangu, anofarirwa nomweya wangu, Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, Iye achazivisa vahedheni kutonga. Haangarwi, haangaiti mhere-mhere; Hakuna munhu achanzwa izwi rake mumigwagwa. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, Nomwenje unopwititika haangaudzimi, Kusvikira achiita kutonga kuti kukunde. Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo.”
Mateo 12:7-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dai maiziva zvinorehwa namashoko anoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,’ hamaizopa mhosva vasina mhosva. Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.” Achipfuurira mberi kubva panzvimbo iyoyo, akapinda musinagoge ravo, uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?” Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here? Ko, zvino munhu anokosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.” Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe. Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei. Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose. Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani. Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti: “Houno muranda wangu wandakasarudza, wandinoda, anondifadza; ndichaisa Mweya wangu paari, iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama. Haazokakavari kana kuridza mhere; hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa. Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori, nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi, kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda. Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”
Mateo 12:7-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro,’ mungadai musina kutonga vasina mhosva. Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.” Akabvapo, akapinda musinagoge ravo. Zvino tarira, kwakanga kunomunhu akanga anoruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza, vachiti, “Zvakatenderwa kuporesa neSabata here?” Kuti vamupomere mhosva. Akati kwavari, “Ndiani kwamuri angava negwai rimwe, kana rikawira mugomba neSabata, angarega kuribata akaribudisa here? Munhu anopfuura hwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka neSabata.” Zvino akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako!” Akarutambanudza, rukapora, rukava sorumwe. Zvino vaFarisi vakabuda, vakarangana pamusoro pake, kuti vangamuuraya sei. Jesu akati achizviziva, akabvapo; vanhu vazhinji vakamutevera, akavaporesa vose, akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena, kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Tarira, muranda wangu wandakasanangura; Mudikanwi wangu, anofarirwa nomweya wangu, Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, Iye achazivisa vahedheni kutonga. Haangarwi, haangaiti mhere-mhere; Hakuna munhu achanzwa izwi rake mumigwagwa. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, Nomwenje unopwititika haangaudzimi, Kusvikira achiita kutonga kuti kukunde. Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo.”
Mateo 12:7-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dai zvenyu maiziva zvinoreva izvi zvokuti, ‘Chandinoda ini itsitsi kwete chibayiro, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Tenzi weSabata.’ ” Akabvapo akandopinda mune imwe sinagogu yavo. Imomo maiva nomunhu aiva noruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza kuti zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata kuti vamupe mhosva. Iye akati kwavari, “Ndiani wenyu angati kana ane hwai imwechete ikawira mugomba nezuva reSabata asingaibati achiiburitsa? Ko munhu anokosha zvakadii kupinda hwai? Ipapo zviri pamutemo kuita zvakanaka pamusi weSabata.” Akabva ati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akabva arutambanudza ndokubva rwatwasanuka pakare rwave rutano sorumwe. Asi vaFarisei vakabuda vakandoita bangano rokuti vangamuparadze sei. Jesu paakaziva izvi, akabva abva ikoko. Vanhu vazhinji vakamutevera akavarapa vose. Akavakohomedza kuti vasamuzivise kuvanhu. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zviya zvakataurwa nomuporofita Isaya zvokuti, “Tarirai muone muranda wangu wandakasarudza, wangu chaiye wapamwoyo wandinofarira. Ndichaisa Mweya wangu paari iye achaparidza kutonga kwakarurama kune vechirudzi. Haazoiti gakava kana kudaidzira hapana achanzwa izwi rake mumigwagwa. Rutsanga runenge rwatyoka haarudimburi, rambi rine tambo ine kamoto kanoti roi roi haaridzimi, kusvikira ruenzaniso rwakunda muzita rake vechirudzi vachava netariro.”
Mateo 12:7-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ɗai maiziʋa kuti ɀinoti kuɗini kuti: Ndinoɗa ŋgoni, handiɗi ciɓayiro, muŋgaɗai musina‐kutoŋga ʋasinemhoȿa. Nokuti Mŋanakomana womunhu ndiye Ishe wesaɓata ʋo. Wakabva’po, akapinda musinagoge raʋo. Ɀino tarira, kwakaŋga kunomunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Ɀakatenderwa kuporesa nesaɓata here? kuti ʋamupomere mhoȿa. Akati kwaʋari: Ndiani kwamuri uŋgaʋa negwai rimŋe, kana rikawira mugomba nesaɓata, uŋgarega kuriɓata akariɓuɗisa here? Munhu unopfuʋura gwai ɀikuru sei! Saka ɀakatenderwa kuita ɀakanaka nesaɓata. Ɀino akati kumunhu: Tambanudza ruʋoko rwako! Akarutambanudza, rukaʋandudzwa, rukaʋa sorumŋe. Ɀino ʋaFarise ʋakaɓuɗa, ʋakaraŋgana pamsoro pake, kuti ʋaŋgamuʋuraya sei. Jesu wakati aciɀiziʋa, akabva’po; ʋanhu ʋazhinji ʋakamuteʋera, akaʋaporesa ʋose, akaʋaraira kuti ʋarege kumuziʋisa pacena, kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Tarira, muranda waŋgu wandakasanaŋgura; Muɗikanwa waŋgu, unofarirwa nomŋeya waŋgu: Ndicaisa Mŋeya waŋgu pamsoro pake, Iye ucaziʋisa ʋahedeni kutoŋga. Haaŋgarwi, haaŋgaiti mhere‐mhere; Hakunomunhu ucanzwa inzwi rake munzira dzomumusha. Rutsaŋga rwakapxanyika haaŋgaruvuni, Nomŋenje unopxititika haangaudzimi, Kuȿikira acituma kutoŋga kuti kukunde. Ʋahedeni ʋacaita zita rake tariro yaʋo.
Mateo 12:7-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)