Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 12:7-21

Mateu 12:7-21 SCLB

Dai zvenyu maiziva zvinoreva izvi zvokuti, ‘Chandinoda ini itsitsi kwete chibayiro, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Tenzi weSabata.’ ” Akabvapo akandopinda mune imwe sinagogu yavo. Imomo maiva nomunhu aiva noruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza kuti zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata kuti vamupe mhosva. Iye akati kwavari, “Ndiani wenyu angati kana ane hwai imwechete ikawira mugomba nezuva reSabata asingaibati achiiburitsa? Ko munhu anokosha zvakadii kupinda hwai? Ipapo zviri pamutemo kuita zvakanaka pamusi weSabata.” Akabva ati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akabva arutambanudza ndokubva rwatwasanuka pakare rwave rutano sorumwe. Asi vaFarisei vakabuda vakandoita bangano rokuti vangamuparadze sei. Jesu paakaziva izvi, akabva abva ikoko. Vanhu vazhinji vakamutevera akavarapa vose. Akavakohomedza kuti vasamuzivise kuvanhu. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zviya zvakataurwa nomuporofita Isaya zvokuti, “Tarirai muone muranda wangu wandakasarudza, wangu chaiye wapamwoyo wandinofarira. Ndichaisa Mweya wangu paari iye achaparidza kutonga kwakarurama kune vechirudzi. Haazoiti gakava kana kudaidzira hapana achanzwa izwi rake mumigwagwa. Rutsanga runenge rwatyoka haarudimburi, rambi rine tambo ine kamoto kanoti roi roi haaridzimi, kusvikira ruenzaniso rwakunda muzita rake vechirudzi vachava netariro.”

Verenga chikamu Mateu 12