Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro,’ mungadai musina kutonga vasina mhosva. Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.”
Akabvapo, akapinda musinagoge ravo. Zvino tarira, kwakanga kunomunhu akanga anoruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza, vachiti, “Zvakatenderwa kuporesa neSabata here?” Kuti vamupomere mhosva.
Akati kwavari, “Ndiani kwamuri angava negwai rimwe, kana rikawira mugomba neSabata, angarega kuribata akaribudisa here? Munhu anopfuura hwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka neSabata.” Zvino akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako!” Akarutambanudza, rukapora, rukava sorumwe. Zvino vaFarisi vakabuda, vakarangana pamusoro pake, kuti vangamuuraya sei.
Jesu akati achizviziva, akabvapo; vanhu vazhinji vakamutevera, akavaporesa vose, akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena, kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti,
“Tarira, muranda wangu wandakasanangura;
Mudikanwi wangu, anofarirwa nomweya wangu,
Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake,
Iye achazivisa vahedheni kutonga.
Haangarwi, haangaiti mhere-mhere;
Hakuna munhu achanzwa izwi rake mumigwagwa.
Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni,
Nomwenje unopwititika haangaudzimi,
Kusvikira achiita kutonga kuti kukunde.
Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo.”