Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 24:30-34

Ruka 24:30-34 BDSC

Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa. Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo. Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?” Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane Gumi noMumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.”