Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 24:30-34

Ruka 24:30-34 SNA2002

Zvino akati agara navo pakudya, akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa. Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika kwavari. Vakataurirana, vachiti, “Ko mwoyo yedu yakanga isingapisi mukati medu, achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?” Vakasimuka nenguva iyo, vakadzokera Jerusaremu, vakawana vane gumi nomumwe navaiva navo vakaungana. Ivo vakati, “Ishe amuka zvirokwazvo; aonekwa naSimoni.”

Verenga chikamu Ruka 24