Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 24:30-34

Ruka 24:30-34 SCLB

Paakanga ari pakudya navo, akatora chingwa akachikomborera ndokuchimedura akachipa kwavari. Maziso avo akabva azaruka vakabva vamuziva, asi iye akabva anyangarika kwavari. Vakataurirana vachiti, “Mwoyo yedu haina kunge yava kutopisirira here mukati medu paanga achitaura kwatiri munzira; paya paanga achitizarurira Magwaro Matsvene?” Vakabva vasimuka nguva yakareyo vakadzokera kuJerusaremu. Vakasvikowana vane gumi nomumwechete vaya vakaungana navamwe vavaiva navo, vakati, “Tenzi wamuka zvechokwadi uye azviratidza kuna Simioni.”

Verenga chikamu Ruka 24